Accessibility links

Breaking News

Vana Vechikoro Vakawanda Votyirwa Kuti Vanogona Kutadza Kunyora Bvunzo dzeZIMSEC Gore Rino neKukundikana Kubhadhara Mari


Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.
Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.

Zviuru zvevana vechikoro zviri kutarisirwa kunyora bvunzo dzeZIMSEC dzegore rino zviri kutyirwa kuti zvinogona kunge zvakundikana kubhadhara mari dzekunyora bvunzo idzi pazuva ranga rakatarwa nehurumende kuti ndiro rekupedzisira kuti mari idzi dzinge dzabhadharwa, nekuda kwekushaya mari.

ZIMSEC yakazivisa kuti mari idzi dzaizobhadharwa kubva musi wa 22 ukusvika musi wa 29, uye vari kunyora bvunzo dzeGrade 7 vachitarisirwa kubhadhara madhora ekuAmerica gumi pachidzidzo cHimwechete, madhora gumi nerimwechete pachinyorwa cheFomu 4 uye, madhora makumi maviri nemaviri pachinyorwa chegachega cheFomu 6.

Hurumende yakati ichabatsirawo nezvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana, kana kuti 55%, pamari idzi.

Vamwewo vabereki vanoti vana veGrade 6 gore rino vanonzi vari kupihwa mukana wekubhadhara pashoma pashoma mari dzebvunzo dzeGrade 7 dzegore rinouya, asi vachiti nezuro zvimwe zvikoro zvakatotanga kudzingira vana mari idzi chero hazvo vachiri muGrade 6.

Mashoko aya tsinhirwa nemukuru werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, avo vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti zvimwe zvikoro zvatotanga kudzinga vana veGrade 6 vachidzingirwa mari dzebvunzo dzegore rinouya idzi.

Mutevedzeri wemutungamiri werimwe sangano revadzidzisi vemukaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), Muzvare Christine Kayumba, vaudza Studio 7 kuti vabereki vange vachinetseka kubhadhara mari idzi nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi ne mihoro yevabereki.

Hurukuro naMuzvare Christine Kayumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTungana Ndoro, vati vabereki vakapihwa nguva yakakwana yekutsvaga mari dzaidiwa, uye vana vanotambura pamwe nenherera vachabatsirwa nehurumende kuti vagone kunyora bvunzo dzegore rino.

Panyaya yekuti zvimwe zvikoro zvatotanga kubhadharisa vana vari Grade 6 mari dzebvunzo dzegore rinouya dzeGrade 7, VaNdoro vati vane ruzivo nezvehurongwa uhwu vachiti hwakaitirwa kurerutsira vana vanotatarika kuzobhadhara mari dzose dzinodiwa panguva imwechete.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG