Zimbabwe nhasi yacherechedza zuva revanochengetedza mhuka reWorld Rangers Day kunyangwe rakacherechedzwa pasi rose nezuro.
Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka reZimbabwe National Parks and Wildlife rinoti riri kushushikana zvikuru nekuuraiwa kwevashandi varo nevanovhima mhuka zviri kunze kwemutemo.
Vachitaura pachiitiko ichi icho chaitirwa pamuzinda webazi ravo muHarare nhasi, mukuru weZimbabwe National Parks and Wildlife, VaFulton Mangwanya, vati bazi ravo riri kushushikana zvikuru nekukuvadzwa pamwe nekuuraiwa kwevashandi vebazi ravochengetedza mhuka nevavhima zviri kunze kwemutemo.
Mashoko aVaMangwanya atsigirwa nemutauriri webazi ravo, VaTinashe Farawo. Akave mudzimai wekutanga muZimbabwe kushanda basa rekuchegetedza mhuka munyika, Amai Abigael Tomu, vaudza Studio 7 kuti vari kufara zvikuru kuti veruzhinji munzvimbo dzinowanikwa mhuka dzesango vave kuziva kuti mhuka hadzifanire kuuraiwa zvisina mwero.
Amai Tomu, avo vave mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka kana kuti wildlife conservation manager, vatiwo rimwe dambudziko ravanosangana naro nderekuti vanogona kugara nemitumbi yevanovhima mhuka zvisiri pamutemo kusvika dzimwe nguva mitumbi iyi yave kuipa pamusana pekuti vanonoka kuwana rubatsiro vari mumasango anogara mhuka.
\Vamwe vanochengetedza mhuka ava vanombourayiwawo mukuita basa ravo. Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano rinobatsira mukuchengetedzwa kwemhuka reInternational Fund for Animal Welfare, VaLuckymore Safuli, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo riri kushanda zvakasimba nebazi reZimbabwe National Parks and Wildlife mukuchengetedza mhuka pamwe nehupenyu hwevashandi vaoita basa rekuchengetedza mhuka idzi.
Zimbabwe yave nemakore anodarika gumi nemana kubva zvayatenderwa kutengesa nyanga dzenzou nesangano reunited Nations Convention on International Trade in Endangered Species of wild Fauna and Flora kana kuti CITES.
Zimparks iri mubishiwo rekutamisa dzimwe mhuka dzesango dzinodarika zviuru zviviri nemazana matanhaty nemakumi mana kana kuti 2 640 kubva kubva kuSave Conservancy kuenda kuTsapi, Chizarira neMatusadonha.
Nzvimbo yadziri kubva haina chikafu nemvura zvakakwana. Dzimwe dzemhuka idzi dzinosanganisira shumba, nzou, makava pamwe neNyati. Zimparks inotiwo vanhu makumi mana vaurayiwa nemhuka dzemusango mumwedzi mitanhatu yegore rino chete.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa avo vanga vari muyenzi anoremekedzwa vatenda veZimbabwe National Parks and Wildlife nebasa guru ravari kuita rekuchengetedza mhuka vachiti vekunze pamwe neveruzhinji munyika vanowana mukana wekuziva mhuka dziri munyika kana dzikachentedzwa.
Zuva reWorld Rangers Day rinocherechedzwa makore ese pasi rose musi 31 Chikunguru. Dingindira regore rino ranga richiti “Rangers are no strangers to diversity”.
Facebook Forum