Vaimbova mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe nezuro vakapihwa mubairo nemubatanidzwa wenyika dzekumawirira kweAfrica eSADC kumusangano uri kuitirwa kuDRC.
VaMugabe vakapihwa mubairo uyu nevamwe vatungamiri vakavamba sangano iri musi wa 1 Kubvumbi kuLusaka, Zambia richinzi Southern African Development Co-ordinating Conference ana kuti SADCC.
Zita iri rakazochinjwa muna 1991 gungano iri rave kunzi Southern African Development Community kana kuti SADC. Vakapihwa mubayiro vose vakashaya uye vanoti Dr Kenneth Kaunda, Zambia, Mwalimu Julius Nyerere, Tanzania, VaSamora Machel, Mozambique, VaSeretse Khama, Botswana, King Sobhuza Eswathini. Mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe ndivo vakapihwa mubayiro waVaMugabe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University, Dr Wellington Gadzikwa vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vanokodzera kupihwa mubayiro uyu pachitariswa basa ravakabata muSADC.
Mutungamiriri wenyika VaEmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri venyika humi neshanu vari kuDRC kumusangano weSADC 42nd Summit for Heads of States.
Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekusimudzirwa kwemaIndasitiri kuburiikidza nezvirimwa, nekukwenenzvera zvicherwa kana kuti “Promoting Industrialization through Agro Processing, Mineral Beneficiation and Regional Value Chains for Inclusive and Resilient Economic Growth”.
VaTshilombo ndivo vave sachigaro we SADC, vachitora chigaro kubva kuna VaLazarus Chakwera vekuMalawi.
Facebook Forum