Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vorarama nekutengesa uswa hwekupfiririsa dzimba, danho rinokurudzirwa nebazi rekuchengetedzwa kwenharaunda reEnviromental Management Agency -EMA, senzira yekuderedza kupararadzwa kwemasango nemoto.
Amai Mavis Chinoputswa vanogara kwaMudzimu kuHurungwe vanotengesa uswa mumugwagwa unobva kuHarare uchienda kuChirundu.
Amai Chinoputswa, avo vakatanga kutengesa uswa makore gumi nemashanu apfuura, vanoti vanowana mari inosvika madhora makumi matatu pasvondo iyo vanoraramisa mhuri yavo ine vana vashanu.
Vanoti vangadai vachiwana mari yakawanda asi vanotenga vave kuita vashoma zvave kuvamanikidza kutengesa uswa hwavo nemari shoma kuti vakwanise kutenga sipo nezvimwe.
Mumwe mugari wekuMakuti, Ambuya Margret Mupandaguta, vanoti kurarama kwavo kwose basa ravanoziva kutengesa uswa.
Ambuya Mupandaguta vanoti bhizinisi rekutengesa uswa radzikira zvakanyanya nekuda kwekuderera kwevanoshanya munyika kana kuti ma tourists.
Ambuya Mupandaguta vanoti vaigamuchira vaishanya ava vaivaka dzimba dzaipfirirwa neuswa idzo dzaifarirwa zvakanyanya nevaishanya ava.
Amai Chiedza Zvikomborero vekuNyamakate vanotiwo vanowana mari inosvika madhora makumi mana ekuAmerica iyo vanoshandisa kutenga zvekudya zvakaita semafuta ekubikisa neekuzora, sipo, munyu nezvimwe.
Mutauriri webazi reEMA mudunhu reMashonaland West, VaMunyaradzi Nhariswa, vanoti vanokurudzira kuchekwa nekutengeswa kweuswa vachiti zvinoita kuti vanhu vachengetedze masango sezvo vachiwana raramo kuburikidza nekutengesa uswa.
VaNhariswa vanotiwo kuchekwa kwehuswa kunoderedza kutsva kwemasango uye vanoti EMA inopa rutsigiro rwemajeko ekuchekesa uswa kune vanenge vachiada.
Uswa hunotengeswa uhwu hunenge hwamera mumadhunduru muminda nehumwe hunenge hwamera mumasango.
EMA inokurudzirawo kuti vanhu vacheke nekuchengeta uswa hwekuzopa mombe kana kuti Hay Bales sedanho rekuderedza huswa hunotsva.
Bandiko iri ragara richikurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda richiti rinoshushikana zvikuru nekupiswa kwemasango izvo rinoti zvinokonzera kurasikirwa kwehupenyu hwevanhu pamwe nezvipfuwo. Kupiswa kwemasango kunonziwo kunovhiringidza zvirimwa muminda pamwe nekuparadza mafuro ezvipfuwo.
Mwedzi wapera EMA yakazivisa kuti matunhu ese emuMashonaland pamwe neManicaland neMatabeleland North ane mikana yakakura kwazvo yekukanganiswa nemoto yesango munguva dzekupisa kwekunze.
Yakati iri kushanda zvakasimba kupa vagari venzvimbo idzi zvekushandisa mukudzima moto, nekucheka huswa, uye inokurudzira kugadzirwa kwemakomba ekurasira dota iro rinogona kunge riine moto unogona kuzokonzera kutsva kwemasango.
Vaputi vefodya vanokurudzirwawo zvakare kuti vadzimwe zvigutsvani zvefodya vasati varasa sezvo izvi zvichizogonawo kufutidzwa nemhepo zvopedzisira zvapisa Masango.
Facebook Forum