Bazi rezvehutano razivisa padandemutande raro reTwitter kuti kusvika nezuro vana mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 698 vange vafa nechirwere chegwirikwiti kubva zvachatanga kupararira muna kubvumbi vana zviuru zvitanhatu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 6 291 vabatwa nechirwere ichi.
Sangano reUNICERF rinoti riri kushushikana zvikuru nezvataurwa nebazi rezvehutano izvi richiti richabatsira kubayisa vana nhomba.
Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti vari kushushikana nekufa kwevana vasati vabayiwa nhombo yekudzivirira gwirikwiti.
VaMujiri vanoti vashandi vemubazi ravo vakagadzirira kunobaya nhomba yekudzivirira gwirikwiti kunyange zvichireva kuti vachabaya vana usiku kune avo vasingadi kuonekwa vachizviita nekuda kwezvitendero chavo.
Izvi zvatsinhirwa nemukuru munyaya dzezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja.
Dunhu reManicaland ndiro rine vana vakawanda vakafa vanosvika mazana matatu nemakumi mana nevanomwe kana kuti 347 richiteverwa neMashonaland West rine vana zana nemakumi mana nemumwechete kana kuti 141.
Mamwe matunhu ane vana vari kufa zvakanyanya anosanganisira Mashonaland East ine vana makumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 92, Midlands ine vana makumi matanhatu kana kuti 60 neMasvingo ine vana makumi mana nevana kana kuti 44.
Panyaya yekuti vedzisvondo dzechipositori havasi kubayisa vana vavo nhomba VaMujiri vanoti vari kutaurirana nevakuru vedzisvondo ava.
Mumwe chiremba Dr Enoch Mayida vati chirwere chegwirikwiti chinokwanisa kurapika zviri nyore kana vanhu vabayiwe nhomba. Vati vana vanenge vabatwa nechirwere ichi vanoonekwa nekupisa muviri uye kuita mapundu mukanwa nemuviri wose.
Nekuda kwehuwandu hwevana vari kubatwa nekufa negwirikwiti hurumende yakaita hurongwa hwekubaya nhomba vana kubva musiwa 29 Nyamavhuvhu kusvika musiwa 7 Gunyana gore rino.
Facebook Forum