Vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF nezuro vakarova nhengo mbiri dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C uye mwana wechikoro.
Vatatu ava vaipomerwa mhosva yekupfeka hembe dzebato ravo vachikurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota kwaMpandawana kwaGutu nezuro.
Vakarohwa vanosanganisira kanzura weWard 34 VaBenard Chimwango naVaLangton Guavava, pamwemwana wefomu 2 asina kudomwa zita.
VaChimwango vanoti vakuvara zvakaipisisa musoro wavo sezvo vakarohwa nematanda pamwe neshamhu nevatsigiri veZanu PF vaidarika gumi.
VaChimwango vanoti vakakuvara vakandorapiwa kuchipatara uye vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa kuchiteshi che Mpandawana Police Station.
Asi vanoti kunyangwe vakamhan’ara havana hivimbo chekuti mapurisa achasunga vanhu vakavarova ava
Izvi zvatsinhirwa nemutauriri webato reTripple C muMasvingo VaDereck Charamba.
Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaOphias Murambiwa varamba nyaya iyi vachiti bato ravo hariiti zvemhirizhonga.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vati hasati vasumwa nezvemhirizhonga iyi.
Asi vatsaigiri veCCC vanoti mhirizhonga mudunhu ravo yawandisa vachiti svondo rapfuura vatsigiri vebato reZanu-PF vanodaidzira kuti vanhu vakwire mabhazipamusika wepaMpandawana vakaparura chirongwa chavo chinonzi Mahwindi for ED icho chiri kushandiswa kushungurudza vanhu.
Vanoti nhengo dzeMahwindi for ED dziri kutenderera dzichimanikidza vanhu kupfeka hembe dzebato reZanu-PF uye vachishungurudza vanenge vaine hembe dzebato reTripple C.
Mumwe anoshanda basa rekukokera mabhazi ari nhengo yeCCC, VaEdward Chagonda, vanoti mumusika wema Mpndawana maberekera ingwe.
Dunhu reGutu rine nyaya dzemhirizhonga dzakawanda ,mwedzi wapfuura nhengo dzeCCC dzakatiza misha kuGutu West dzikagara mumakomo dzadzingwa nevebato rinotonga nenyaya yekuita chirongwachekukururdzira vanhu kunyoresa kuvhota.
Gore rapera nhengo yeCCC VaNyasha Zhambe Mawere vakapondwa nevanofungirwa kuti vatsigiri ve Zanu PF asi hapana akasungwa nemapurisa.
Facebook Forum