Mufundisi weKereke yeAnglican VaPeter Masiye, vanoshanda nesangano reImpact Africa, vanoti makereke ose anofanira kuita mushandirapamwe pakuparadza tsika yevechidiki avo vari kunwa nekuputa zvinodhaka nokuti vazhinji varikuguma vave kuvhiringika pfungwa kusanganisa vamwe vari mumakereke.
VaMasiye vakataura mashoko aya kuDomboshawa pagungano remadzimai eruwadzano eAnglican Church vakabva kumasangano mapfumbamwe emuguta reHarare.
Mufundisi Masiye vanoti kereke dzinofanira kubatana nevechidiki munzvimbo dzavanogara kuti vawane vanhu vokuturira zvinovanetsa uye vaendera mberi vachiti dambudziko rekuputa nekunwa zvinodhaka ririwo mumhuri dzevamawe vafundisi nevakuru vakuru vemakereke akawanda.
Mufundisi Masiye vanoti muhurukuro dzavanoita nevechidiki uye neongororo yakaitwa nesangano reImpact Africa ririrkupomera mhosva kumapurisa vasiri kuita basa ravo nemazvo.
Nyanzvi yehutano hwepfungwa VaProud Muchena vanoshanda nesangano reMubatirapamwe Trust vaudza Studio 7 kuti vane musha wavanounganidza vechidiki vavhiringika pfungwa uko kwavanodzidziswa mabasa akasiyana siyana uye vachirapwa kuti pfungwa dzavo dzidzokere panzvimbo
VaTawanda Mafuta, vanoshanda nesangano reCommunities Against Drug and Substance Abuse kana kuti CADASA vanoti hakuna kwatiri kuenda senyika kana dambudziko rezvinodhaka iri risina kugadziriswa pachinenguva nokuti vechidiki ava ndivo vanhu vachashanda kumaindasitiri kana nyika iri kuda kuvandudza hupfumi hwayo.
Nyanzvi munyaya yezvehutano hwepfungwa vanova zvakare mukuru wesangano reZimbabwe National Association for Mental Health kana kuti Zimnamh, Dr Ignatious Murambidzi vanoti zvipatara zvehurumende zvinorapa varwere vepfungwa zvinoti Ngomahuru yekuMasvingo neIngutsheni kuBulawayo zvakazarisisa nevarwere zvichinyanya kukonzerwawo nevechidiki varikunwa nekuputa zvinodhaka.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa Dr Nemache Mawere avo vanoshandira kuInguthseni Psychiatric Hospital kuBulawayo vanoti vanhu vanoshandisa zvinodhaka nezvikonzero zvakawanda asi mhedzisiro yetsika iyi kuvhiringidzwa kunozoita pfungwa dzavo.
Doctor Mawere vanoti vanhu ava vakasakurumidza kuwana rubatsiro, vazhinji vacho vanotozorashika pfungwa dzavo zvokuti vanenge vave kugara vachizoongororwa pfungwa dzavo nguva nenguva.
Mufundisi Mazvarirashe Mabugu vanotungamirira Wisdom Church International irikuBorrowdale vanoti vanhu vanemadambudziko okupererwa nemazano pazvinhu zvavanosangana nazvo muhupenyu vanokwanisa kubatsirwa nema Counsellor avo vanotaura navo mazvi anonyaradza zvinetswa.
Mufundisi Mabugu vanoendera mberi vachiti ivowo vakamboita chirwere chokufungisisa chinonzi pachirungu depression, zvokuti vakawana rubatsiro rwakadzosera pfungwa dzavo panzvimbo zvokuti ivowo vave kubatsira munhu wese anoda kubatsirwa nenzira iyoyo.
Zvidhakiswa zvose izvi zvinokonzerawo magomarara anoparadza nhengo dzemuviri anenge chiropa, matumbu, pahuro, mapapu, ganda nerwatata izvo zvinodhura kurapa muZimbabwe zvokuti varapwa ava vanobva vangorasikirwa nehupenyu.
Bazi rehutano rinoti vanhu vanodarika mirioni imwechete vanorwara nepfugwa zvichikonzerwa kunyanya nevechidiki varikunwa nekuputa zvinodhaka uye vanhu zviuru mashanu evanhu varikubatwawo nezvirwere zvemagomarara munyika pagore.
Asi, chero zvazvo dambudziko rezvevanhu vanoshandisa zvinodhaka ragara riripo nechekare, zvirikuonekwa kuti rinenge ratekeshera zvakanyanyisa mumadhorobha enyika, zvokuti chero vakadzi vakuru chaivo vatove kutodhakwawo zvekuraradza nemhosva yokushaya zvokuita sezvo mabasa avo akapera kubudikidza nechirwere cheCovid 19 icho chakavharisa mabasa mazhinji.
Vachitaura paHatcliffe High school, mummwe wevamukuru veZimbabwe Republic Police, Officer Commanding Harare Suburban District Chief Superitendent Kaudzi Tshuma vanoti kunwiwa nekuputa zvinodhaka ratove dambudziko ratokomba zvikuru muguta reHarare.
Chief Superitendent Tshuma vanoti kwakaumbwa zvvikwata zvemapurisa zvekusunga vanotengesera vechidiki zvinodhaka vachiti zviri kukanganisa pfungwa dzevechidiki.
Facebook Forum