Bato reZanu-PF ndiro rakakunda musarudzo mbiri dzemaby- elections dzakaitwa nemusi weMugovera kuNyanga nekuMberengwa.
Zanu-PF ndiyo yagara yange iine zvigaro muNyanga Ward 27 neMberengwa Rural Ward 15. VaAlbenias Nkonzo veZanu-PF vakaita mavhoti mazana manomwe nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 765, VaConias dongijena veccc vakaita mavhoti zana nemakumi matanhatu nemashanu kana kuyi 165.
Kuyanga, VaSimon Nyazenga veZanu-PF vainge vaine mavhoti mazana matatu nemakumi manomwe nematanhatu kana kuti 376 uku VaTaurai Artwell Tichiwangani vaine zana nemakumi maviri nematatu kana kuti 123.
Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzayi Mahere vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti havana kufara nekuitwa kwesarudzo idzi vachiti vanhu vakawanda vaizviti havakwanise kuvhota nekutya kushungurudzwa nevebato reZanu-PF.
Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutvsangwa vati vange vasingakwanise kutaura sezvo nharembozha yavo yange isiri kunzwika zvakanaka.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano rakazvimirira roga reElection Resorce Centre VaSolomon Bobosibunu vati nyaya yevanhu vanozviti havakwanise kuvhota inofanira kugadziriswa. Vatiwo vari kushushikana nekuti vechidiki vakawanda havasi kuno vhota.
Facebook Forum