Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva remwanasikana kana kuti International Day of the Girl Child.
United Nations inoti mwanasikana akapihwa mukana, zvinopa kuti nharaunda yose isimukire.
Asi sangano iri rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka parizvinhu kumwanasikana sezvo tsvakiridzo yarakaita yakaburitsa kuti pamaminetsi gumi ega ega, mwanasikana mumwechete ari kufa nekudakwemhirizhonga munharaunda dzavagere.
United Nations inotiwo mwana musikana mumwechete pavatatu vega vega anombunyikidzwa.
Vanasikana vasati vabvazera vanoroodzwa vamwevachizofa vachisungunuka sezvakaitika muZimbabwe kuvanasikana vatatu kukereke dzemapositori vanoti Nokutenda Hwaramba ane makore gumi nemashanu akafira kuBikita, Masvingo, mumwe mwana ane makore gumi nemashanu Ferby Munyafi akafawo kwaMarange achisungunuka.
Izvi zvinoteverawo kufa kwaAnna machaya aive nemakore gumi nemana akafa panonamatirwa neveJohane Marange kuManicaland zvekare. United Nations iri kushora zvikuru zvakaitika izvi ichi kurudzira hurumende kuti iferefete nyaya idzi nekusunga vakapara mhosva.
Mumashoko kuvatori venhau, sangano iri rinoti kurodza vana vasati vabvazera kutyora zvibvumirano zvakanyoreranwa neZimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rino pasi peUnited Nations.
Gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe vanogara vachivimbisa kuferefeta nyaya idzi asi vanmwe vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.
Zvichakadaro, mamwe masangano munyika ekunze ari kushanda zvakasimba kusimudzira vanasikana nekuvawanisa zvikwanisiro.
Mumwe ari kubatsira vanasikana nezvekushandisa pakutevera kana kuti masanitary pads ndiMuzvare Tinaishe Ringisai avo vaudza Studio 7 kuti kodzero yekuwana zvekushandisa izvi yakakosha zvikuru kumwanasikana. Vakawanda vari kutadza kutenga zvekushandisa pakutevera nekuda kwemutengo.
Facebook Forum