Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeBikita Yobhadharisa Masangano Anopa Rubatsiro Mari Zvosiya Vagari Vasina Chekudya


Vamwe vagari vekuBikita vari kuchema chema chema kuti havachina chekudya nekuda kwekuti makanzuru avo ari kumanikidza masangano anopa rubatsiro kubhadhara mari dzekuti vakwanise kushanda vachibatsira vanhu.

Mumusangano wakaitwa mukupera kwaChivabvu, kanzuru yeBikita yakaita chisungo chekuti vemasangano akazvimirira oga vanoda kushandira mudunhu ravo vabhadhare mazana matatu emadhora ekuAmerica $300.Pamusoro pazvo, vozobhadhara madhora mazana maviri $200 ekunyorerana gwaro rekuwirirana pamashandiro kana kuti Memorendum of Understanding(MOU) kuti vatange basa.

Mumwe mugari wekwaMukore, VaOscar Makova, vanoti izvi zvave kupa kuti mamwe masangano aregedze kushandira munzvimbo iyi.

Izvi zvatsinhirwa nemutauriri wesangano revagari reBikita Residents and Rate Payers Association (BIRRA), VaMark Mutengani avo vati kanzuru iri kukoshesa mari pane hupenyu hwevanhu.

Vemasangano akazvimirira vataura neStudio 7 vati muBikita mave kunetsakushandira nemutemo uyu uye vave kusarudza kushandira kune mamwe matunhu.

Vanoti kunze kwekubatsira nechikafu munguva dzenzara masangano avo anobetsera hurumende muzvirongwa zvebudiriro zvakafanana nekuvakira vagari zvikoro, makiriniki pamwe nekuchera zvibhorani kuti vanhu vagare zvakanaka pachena.
Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reCommunity Tolerence and Reconciliation Development (COTRAD), VaZivanai Muzorodzi, vanoti zviri kuitwa nekanzuru iyi kutyora mutemo wenyika.

Munyori musangano rinomirira masangano akazvimirira muMasvingo, reNational Association of Non-Governmental Organisations (NANGO), Amai Lucia Masekesa vakurudzira kanzuru yeBikita kuti ibvise mutemo unoomesera masangano anobatsira veruzhinji pachena.

Asi sachigaro wekanzuru yeBikita, VaBenjamin Masakadza, vati vakaisamutemo uyu kuti kanzuru iwane mari dzemabhazi nechikafu chemakanzura pavanouya kuzonyorerana zvibvumirano izvi nevemasangano akazvimirira oga.

Mamwe masangano akazvimirira oga anobatsirawo vagari munguva dzenjodzi dzakaita semafashamu, madutu mupengo pamwe nepanenge popararira zvakanyanya zvirwere zvakaita
seCovid-19 nezvimwe.

Vagari vekuBikita vataura neStudio 7 vati masangano anobatsira nechikafu akasauya mudunhu ravo vanogona kurasikirwa nehupenyu sezvo kuine nzara huru yakakonzerwa nemvura yakarambira mudega mwaka wadarika.

Sangano reWorld Food Programme rinoti vanhu vanopfuura mamirioni mashanu vanoda rubatsiro rwechikafu munyika yese nekuda kwenzara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG