Nhengo nhanhatu dzesangano rinomirira vadzidzi vezvikoro zvepamusoro reZimbabwe national Students Unions kana kuti ZINASU dzasungwa nemapurisa dzichiyedza kusvitsa gwaro renyunyuto kuvakuru vechikoro cheGreat Zimbabwe University kuMasvingo nhasi. Chikoro ichi chakawedzera mari yechikoro nezvikamu mazana mana kubva muzana kana kuti 400%.
Gweta revasungwa ava, VaPhillip Shumba, veZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vari kupomerwa mhosva yekuita musarinya kana kuti Public Nuisance pasi pemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act.
Vamwe vevasungwa vanosanganisira VaCourage Gara, Shadreck Chidyamakuni naMuzvare Kimberly Joni. Mutauriri weZinasu muMasvingo, VaTadiwa Mushonga vashoropodza kusungwa kwevamwe vavo achiti kutyorwa kwekodzero dzavo.
Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri weZINASU munyika VaBenon Ncube avo
vati vakuru vezvikoro havafani lushandisa mapurisa kusunga vadzidzi vanenge vachinyunyuta.
Mutauriri wemapurisa muMasvingo Inspector Kudakwashe Dehwa vati vangavasati vasumwa nezvenyaya iyi. GZU yakawedzera mari idzi kubva pazviuru makumi matanhatu emadhora emunyika 66 000 kusvika pazviuru mazana matatu nemakumi mashanu emadhora emunyika 350 000.
Vadzidzi vazhinji vanoti mari yakawandisa sezvo vabereki vavo vasingawani mari yakadai kunyanya vashandi verumende nevarimi. Mutauriri wechikoro cheGZU VaAnderson Chipatiso havana kukwanisa kutipa divi ravo vachiti vange vachityaira mota kuenda kuHarare.
GZU inobatana nemamwe maUnivesity akaita seMidlands State ne University of Zimbabwe idzo dzakakwidzawo mari yechikoro munguva pfupi yapfuura.
Gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira vakaudza dare reparamende mwedzi wapera kuti mari iyi haina kuwedzerwa zvakanyanya pachishandiswa chikero chemadhora ekuAmerica.
Izvi zvakatsinhirwawo nemutungamiri wenyika VaEmmmerson Mnangagwa vakanyora mubepanhau reSunday Mail kutyi vadzidzi vanokwanisa kunotora zvikwereti vozobhadhara. Asi ZINASU inoti mari yacho inodiwa nechimbi chimbi nemabhanga uye hakuna mabasa.
Facebook Forum