Accessibility links

Breaking News

Zimstat Inoti Nyika Yave Kudzikira paNyaya yeDzidzo


Mukuru weZimstat VaTaguma Mahonde
Mukuru weZimstat VaTaguma Mahonde

Gwaro raburitswa ne Zimbabwe National Statistics Agency, Zimstats, zvichibva mukuverengwa kwakaitwa vanhu gore rino Rinoratidza kuti Zimbabwe haisati yakwanisa kugona kuti vana vese vanezera rekuenda kuchikoro vave muzvikoro

Vachitura ongororo yavo, mukuru weZimstats VaTaguma Mahonde vati pavana vese vanofanirwa kuva muzvikoro kubva pamakore mana, zvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana ndivo vakamboenda kuchikoro.

VaMahonde vatiwo ongororo yeZimstats yakaratidza kuti kunyangwe hazvo kuzvidzidzo zveprimary huwandu hwevana hwakakura, hunoderera zvakanyanya pavanoenda kudzidzo yepamusoro.

Ongororo yeZimstats yaratidzawo kuti vana vakawanda vanosiira chikoro panzira zviri kukonzerwa nekushaya marihuyewo kubata pamuviri kana nyaya dzewanano.

Gwaro iri rinoratidza kuti kune avo vanosiya chikoro nekuda kwenyaya dzewanano vazhinji vacho vanasikana.

VaMoses Mukabeta vanoshanda neUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization kna kuti UNESCO vataurawo panga pachiturwa gwaro reZimStats vati zvakakosha kuti Zimbabwe itore matanho anoita kuti vana vese vanofanirwa kuve muzvikoro vavemo.

VaMukabeta vatiwo zvabuditsa neZimStats zvakakosha nekuti zvinoratidza kuti hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudziko rekuti vanhu vanotadza kuwana dzidzo nekuda kwekushaya vachiti Zimbabwe ikabudirira kuwanisa dzidzo yepasi pachena sezvinovimbiswa nehurumende zvingabatsira.

Nyanzvi mune zvedzidzo variwo zvakare mukuru we National Schools Development Committee Association VaBanny Manokore vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakasangana nezvimhingamupinyi zvakawanda izvo zvinokanganisa dzidzo munyika zvakadai sedambudziko reCOVID-19, zvitendero zvisingakoshesi dzidzo kunyanya kuvanasikana pamwe nekubviswa kwevanhu panzvimb dzavanenge vachigara.

VaManokore vatiwo kuoma kwezvinhu munyika kuri kukanganisawo dzidzo munyika.

Masangano anomirira varairidzi akaita seARTUZ nePTUZ agarawo achitaura paStudio 7 nematambudziko aburitswa mugwaro iri zvikuru panyaya yekukundikana kwevana kuenda kuchikoro.

Gwaro iri rinoratidzawo kuti huwandu hwevanhu vane ruzivo rwekunyora nekuverenga munyika kana kuti Literacy rate rwakadzikawo munyika kusvika pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana zvichienzaniswa nezvikamu makumi mapfumbamwenezvinomwe kubva muna 2002.

ZimStats yatiwo gwaro iri nderechinomwe pamagwaro masere ari kutarisirwa kubuditswa nesangano iri pachitariswa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kunoitwa kamwechete pamakore gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG