Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuwanisa Mishonga Inodzivirira Kudzoka kweGomarara repaZamu Kune Vanenge Vambobatwa neChirwere Ichi


Kuongororwa gomarara repazamu kumonzi kwakakosha zvikuru kune vanhurume neva
Kuongororwa gomarara repazamu kumonzi kwakakosha zvikuru kune vanhurume neva

Nyanzvi mune zvegomarara remazamu dzinoti zvakakosha kuti pawaniswe mishonga inodzivirira kuti vanenge vambobatwa nechirwere ichi vasazodzokororwe nacho, ukuwo hurumende ichi kurudzirwawo kuti itore matanho anoitwa kuti kurapwa kwemagomarara kuve nyore munyika.

Izvi zvabuda neChishanu apo nyanzvi mune zvegomarara dzasangana pachipatara cheParirenyatwa icho change chichitambidzwa mapiritsi eTamoxifen akatsvagwa nesangano reCancerserve ayo anobatsira kuti vanenge vamboita gomarara remazamu vasazobatwe naro zvekare.

Vachitaura mushure mechiitiko ichi, nyanzvi mune zvekurapwa kwechirwere chegomarara, uye vari ivo vakatanga sangano reCancerserve, Doctor Anna Mary Nyakabau, vati mushonga weTamoxifen wakakosha mukudzivirira kudzoka kwechirwere chegomarara rezamu.

Asi vati pane vamwe vasingakwanisi kutenga mushonga uyu, uyo unonwiwa kwemakore ari pakati pemashanu negumi, nekudaro zvakakosha kuti vanoshaya cheuviri vabatsirwe mukuwana mishonga iyi.

Vachitambira mushonga uyu pachiitiko ichi, mukuru weRadiotherapy pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, Doctor Nothando Mutizira, vati mushonga weTamoxifen unopiwa mushure mekunge munhu arapwa akapora. Dr Mutizira vati mishonga iyi yakakosha mukurwisa denda regomarara remazamu kuti risadzoke zvakare.

Vachitaurawo pachiitiko chanhasi ichi, VaItai Mabasa Bopoto, avo vakatobviswawo rimwe zamu nekuda kwegomarara iri uye vatove pamishonga yeTamoxifen, vati zvakakosha kuti hurumende itore matanho anoita kuti chirwere chegomarara ichi chirapwewo pachena munyika pamwe nekuona kuti michina yekushandisa iripo.

VaBopoto vati vakatozopona kubva kuchirwere ichi nekuda kwerubatsiro rwavakawana kumhuri neshamwari dzavo, vakati kurapwa kwechirwere ichi kunoda makunun’unu emadhora. Vati nguva zhinji michina mishoma iri kuzvipatara zvehurumende zvakadai seParirenyatwa inenge yakafa.

Izvi zvinogarochemwa chemwa nazvo nevanhu vakawanda vanobatwa chirwere chegomarara.

Vataura pachiitiko ichi vakamiririra munyori mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Aspect Jacob Maunganidze vati hurumende inokoshesa zvakanyanya kudzivirirwa kwechirwere chegomarara remazamu uyewo vakati vari kushandawo nevamwe vanobatsira kuti mishonga yakaita seTamoxifen iwanikwe pachena munyika.

VaMaunganidze vatiwo hurumende iri kugadzirisa dambudziko remichina.

Mishonga yapiwa chipatara cheParirenyatwa inonzi ichabatsira vanhu mazana matatu nemakumi masere (380), avo vasingakwanisi kutenga mishonga iyi kwegore rese.

Gomarara rezamu rinobata zvese vanhukadzi nevanhurume asi kumadzimai rinonzi ndiyo mhando yegomarara inotevera gomarara rechibereko mukuuraya madzimai zvakanyanya munyika.

Mwedzi uno waGumiguru mwedzi wekuyeuchidzana pamusoro pechirwere chegomarara repamazamu, kana kuti breast Cancer Awareness Month.

Vanhurume munyika vanonzi vari kukurudzirwawo zvakanyanya kuti vaende kunoongororwa kana vaine gomarara repamazamu sezvinota vanhukadzi senzira yekuti dzivirira kana kukasika kurapwa kwechirwere ichi.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG