Accessibility links

Breaking News

ZIMSTAT Inoti Kuverengwa kweVanhu Kwakaburitsa Pachena Kuti Madzimai Mashoma Ari Kushanda Mabasa Anovapa Mari Yakawanda


Sangano reZimstat rinoti ongororo yarakaita pakuverengwa kwakaitwa vanhu gore rino inoratidza kuti varume vakawanda ndivo vanoshanda zvichienzaniswa nevanhukadzi uyewo vanhu vakawanda munyika vabvazera vari kunzi varipamabasa.

Vachitura ongororo yavo, mukuru weZimstats VaTaguma Mahonde vati ongororo yavo yakaratidza kuti munyika varume vakawanda ndivo vari pamabasa zvichienzaniswa nevanhukadzi.

VaTaguma Mahonde -Zimstat
VaTaguma Mahonde -Zimstat

VaMahonde vati pavanhu vasina mabasa vaitarisa kune avo var ikutotsvaka mabasa vachiti vainge vasina kuisawo avo vainge vaneta nekutsvaka mabasa zvekuti vanga vambomira.

VaAdolphus Chinomwe vanoshanda nesangano reInternational Labour Organization kana kuti ILO vati zvabudiswa neZimstats izvi zvinoratidza kuti madzimai akawanda ari mumabasa avasingapihwi mihoro akadai sekuchengeta pamba, kubika nekuchengeta varwere vachiti izvi zvine njodzi huru sezvo zvichizoita kuti madzimai arambe achitambura.

VaChinomwe vatiwo kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vasiri pamabasa huchichi hushoma, chakakosha kuongorora ndechekuti vari pamabasa vacho vangani uye vari kuita mabasa anovapa mari yekuti vakwanise kuzviriritira.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Manyanya vatiwo zvabuditswa neZimStats zvinoratidza kuti muono wehurumende weVision 2030 hwekuti hapana anofanirwa kusarira kumashure hausi mugwara. VaManyanya vati huwandu hwapiwa neZimstats hunoratidza kuti madzimai nevechiki vari kusarira kumashure.

VaMahonde vatiwo ruzivo rwezvemabasa munyika hunobatsirawo hurumende muzvirongwa zvayo kunyanya kuziva kuti hurongwa hwebudiriro hwehurumende huri mugwara here.

Gawaro rabuditswa neZimStats iri nderechisere uye riri rekupedzisira pamagwaro aitarisirwa kubuditswa nesangano iri pachitariswa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kunoitwa kamwechete pamakore gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG