Kanzuru inoona nezvebvunzo yeZimbabwe Schools Examinations Council (ZIMSEC) nemusi weChina yakaudza paramende kuti vana mazana mashanu nemakumi masere nevasere (588) vakabatwa ushure mekuowanikwa vaine mapepa ebvunzo dzisati dzanyorwa.
Vachipa humbowo kukomiti yepararamende inoona nezvedzidzo yepasi, mutevedzeri wemukuru weZIMSEC, VaFarai Zisengwe, vakati vanofunga kuti vachabata vamwe vana vakaita huwori pabvunzo.
VaZisengwe vakati zvakabuda mubvunzo dzeAdvanced Level zvichaziviswa muna Ndira gore rinouuya, asi havazive kuti zvakabuda mubvunzo dzeO level zvichazoziviswa kuti kana vaapedza ongororo yavo.
Vakaenderera mberi vachiti nzira yavanomaka nayo bvunzo inoratidzawo mwana anenge abira.
Mumwe mukuru kuZIMSEC, VaTelani Mguni, vkaati vane hunyanzvi hwavano shandisa kana kuti Malpractice Detection Tool, uhwo vati hunoratidza kuti munhu akabira bvunzo here kana kuti kwete.
Vakati wese akabira bvunzo haapihwe zvakabuda mubvunzo idzi uye anomboiswa kunyora bvunzo kwemakore maviri.
Asi VaMguni vakati vaita dambudziko rekuti vamwe vana vechikoro vanonzi vakabira bvunzo vari kupikisa mitongo yavari kupihwa.
Sachigaro wekomiti yedzidzo yepasi, VaTorerai Moyo, VeZanu PF nenhengo dzekomiti yavo vakaratidza kusafara nekuti ZIMSEC haichengetedze mapepa ebvunzo sezvinotarisirwa.
Asi VaZisengwe vakati ZIMSEC haina zvikwanisiro zvekuita izvi. Vati ndokusaka vachida rubatsiro nerutsigiro kubva kuvarairidzi nevamwe vese vane chekuita nebvunzo.
Pane nzvimbo zviuru zviviri nemazana mashanu (2 500) dzinonyorerwa bvunzo dzeO level munyika yese asi iyo ZIMSEC ine vashandi mazana matatu nemakumi masere chete (380).
Imwe nhengo yekomiti yedzidzo VaJohnson Madhuku veZanu PF vachimirira Bikita East vakati bazi redzidzo yepasi rinofanira kugadzirisa zvinhu .
Vange vakamirira munyori mubazi redzidzo yapasi VaBarnabas Mangosho vatiwo bazi ravo riri kuitisa vakuru vezvikoro zvidzidzo zvehutungamiriri kuti vaite basa ravo nemazvo vasaite zvehuwori.
Mutauriri mubazi iri, VaTaungana Ndoro, vakatiwo bazi ravo richaendesa bhiri rekuvandudza mashandiro eZIMSEC Act kuparamende kuyedza kupedza dambudziko ir.
ZIMSEC inoti bvunzo dzakabirwa ndedze Ordinary Level Mathematics paper 1ne2, English Paper 1 ne2 neCombined Science 1,2, 3. ZIMSEC inoti bvunzo dzakabirwa mumatunhu ese munyika asi dzakabirwa zvemhando yemapusoro kuChipinge, Masvingo, neZvishavane.
Pane vadzidzi vakawanda vakatobatwa nemhosva kumatare vakatomgerwa kuita Community Service. Pane varairidzi vane chitsama vakatodzingwa mabasa nekusungwa nemhosva yekutengesa mapepa ebvunzo dzisati dzanyorwa.
Nyaya yekubirwa kwebvunzo yapindawo muzvikoro zvepamusoro zvakaita seUniversity of Zimbabwe uko kwakatosungwa mumwe mukuru wemapurisa aiita zvidzidzo zvemutemo. Pane vamwe varairidzi vane chitsama vakamiswa basa nekuda kwenyaya iyi.
Facebook Forum