Hurumende yeZimbabwe inoti inotambira nemufaro kurudziro yakasvitswa kumutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden, nasachigaro veAfrican union uye vari mutungamiri weSenegal, VaMacky Sall, yekuti zvirango zvakatemerwa vamwe muhurumende, vemabhizimusi pamwe nemamwe makambani, zvibviswe vachiti zviri kuramba zvichikanganisa vana veZimbabwe.
Vachitaura pamusangano weUS-Africa Leaders' Summit apo vaitura zvavaiti zvinetswa zvinoda kugadziriswa kuitira kuti kudyidzana kweAmerica neAfrica kubudirire mune ramangwana, VaSall vakati zvino yave nguva yekuti zvirango izvi zvibviswe kuitira kuti vanhu vaenderere mberi nekurwisana nenyaya dzekuzvisimudzira pamwe nehurombo.
Munyori mukuru mubazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti Africa inoramba ichitaura misi nenguva kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe izvi hazvina kukodzera nekudaro ngazvibviswe.
“Tinotarisa kuti panenge pakaita gungano rinoita seUS-Africa Leaders’ Summit ngavateererewo kutaura kweAfrica.
“Zimbabwe yakataura, SADC ikataura. Africa yese yataura kuburikidza na chairman wayo. Saka kungangove kusindimara nemwoyo mukukutu kuti munhu asanzwa zvinenge zvichitaura zvizvarwa zveAfrica zvese,” vanodaro VaMangwana.
America inoti vanhu nemakambani ava vakaiswa pazvirango nekuti vari kutyora kodzero dzevanhu pamwe nekuita zvehuwori.
Ukuwo, sachigaro vebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti hurumende inoziva zvainofanirwa kuita kuti zvirango izvi zvibviswe, zvakaita sekuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekupedza huwori.
Musangano weUS-Africa Leaders' Summit wakakokerwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, uye wakapetwa nemusi weChina mushure mekuitwa kwemazuva matatu muWshington D.C.
Facebook Forum