Makundano eWorld Cup Qatar 2022 asvika kumagumo Argentina ichipemberera kutora mukombe wemakwikwi ayo akabuditsa zvishamiso zvakawanda uye anonzi nevamwe fainari yacho yanakidza kudarika dzakamboitika kare.
Makundano aya akapera nezuro zita riri kungotaurwa nezvaro riri raLionel Messi. Chirikufadza veruzhinji ndechekuti Messi atora World Cup, mumakundano ake anogona kunge ari ekugumisira sezvo ave nemakore makumi matatu nemashanu ekuberekwa. Messi ange asimudza mikombe yose yakakosha kunze kweweWorld Cup izvo zvafadza vaimbobatira Kambuzuma United VaShepard Saizi.
Messi akatungamira Argentina kutora mukombe uyu nekurova France nemapenereti 4-2 mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 2-2 munguva yakatarwa uyezve 3-3 mumaminitsi makumi matatu akawedzerwa.
Zita raMessi ririkupinda munhoroondo yeWorld Cup pamwechete neraPele weBrazil naDiego Maradona weArgentina sevatambi vakaita mashiripiti anotyisa mumakundano aya.
Makundano e2022 World Cup akaunzawo zvishamiso zvakawanda kusanganisira kubuda munharaunda yekutanga kwezvikwata zvine mukurumbira zvakaita seBelgium neGermany izvo zvakazoteverwawo neBrazil neSpain.
Kukundwa kwakaitwa Argentina 2-1 neSaudi Arabia uye Japan kurova 2 Germany 1, Morocco ichikunda Belgium 2-0, kuri kupindawo munhoroondo yemakwikwi aya semabudiro akaitawo mitambo zvaive zvisingafungirwe.
Vaimbove mubati wepembe muPremier Soccer League VaSam Hamandawana vanoti izvi zvinoratidza kuti nhabvu pasi rese yashanduka.
Izvi zvakasimbiswa neMorocco imwe yezvikwata zvishanu zvaive zvakamirira Africa kumakundano aya pamwechete neCameroon, Ghana, Senegal neTunisia.
Morocco yakaita chikwata chekutanga kubva muAfrica kusvika musemi fainari yeWorld Cup kubvira makundano aya aparurwa muna 1930.
Mukuguma, Morocco yakapedza iri pachinzvimbo chechina ndokupihwa mamirioni makumi maviri nemashanu emadhora kana kuti $25 million neFifa.
Maneja wechikwata cheZimbabwe Warriors VaWellington Mpandare vanoti Morocco yasimudza manyuku-nyuku muAfrica.
Izvi zvatsinihrwa nnemuongorori wemutambo wenhabvu VaAdvance Katapa.
Makundano eWorld Cup anotevera ari kuitwa muna 2026 kuCanada neAmerica uyezve achange ave nezvikwata makumi mana nezvisere kubva pamakumi matatu nemana. Africa ichange iine zvikwata zvipfumbamwe kubva pazvikwata zvishanu.
Facebook Forum