Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oshushikana neKufa kweVanhu Munjodzi DzeMumigwagwa


Masvingo Accident
Masvingo Accident

Mapurisa akabatana neveTraffic Safety Council of Zimbabwe vari kukurudzira vanhu kuti vatevere mitemo yemumugwagwa apo nyika yatarisana nezororo rekisimusi negoredzva sezvo vanhu vakawanda vachirasikirwa nehupenyu munguva iyi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, VaMunesu Munodawafa vanoshanda kuTraffic Safety Council of Zimbabwe vaudza vatori venhau kuti tsaona zhinji dziri kuitika munyika dzinodziviririka.

VaMunodawafa vati sezvo pachiita tsaona dzakawanda munguva yezororo, vatotumira vanhu kuti vadzidzise vatyairi uye kusunga vanotyora mutemo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi vatiwo zororo regore rino ratanga zvakaipa sezvo kubva musi weMugovera kusvika nhasi vanhu makumi maviri vatorasikirwa nehupenyu mutsaona dzemumigwagwa.

Vatiwo vachatora matanho akasimba kune vanotyora mitemo yemumigwagwa. Mashoko aya anotevera kufa kwakaita vanhu vatanhatu pavanhu vasere vaive mumota diki yerudzi rweHonda Fit yakaita tsaona nezuro mumugwagwa unobva Harare kuenda kuBulawayo.

Vafambi vakurudzirwawo kushandisa mota dzinotakura veruzhinji dzinotenderwa kwete kukwira mishika shika isina mapepa.


Mumwe mufambi, Martha Chikadaya akurudzirawo kuti kuiswe mapurisa kunzvimbo dzinokwirirwa mabhazi nevafambi achiti dzimwe nguva vashandi vanombunyikidzwa nemahwindi.

Gwaro rakaburitswa neUnited Nations rinoratidza kuti Zimbabwe ndiyo iri pamusoro panjodzi dzemumigwagwa sezvo pachifa vanhu vashanu pazuva. Njodzi idzi dzinokonzerwa kunyanya nevanhu vanenge vasingatevere mitemo yemumigwagwa.

Izvi zvakapa kuti Zimbabwe ibatane neCameroon, Ethiopia neUganda kunyorererana chibvumirano chekupota ichiongororwa nedzimwe nyika matanho ari kutora ekudzikisa njodzi dzemumigwagwa kana kuti Road Safety Performance Review.

Asi kunyangwe hazvo Zimbabwe yakaisa runyoro rwayo pachibvumirano cheUnited Nations chekuderedza tsaona dzemumugwagwa nezvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti Decade of Action for Road Safety 2021-2030, Traffic Safety Council yati tsaona dziri kuitika munyika hadzisi kudzikira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG