Mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, vanoti matare munyika ari kurwisa huwori kunyange hazvo paine vamwe vari kugunun’una kuti ari kukundikana.
Vanoti pari zvino pane mhosva dzehuwori dzinodarika zana nemakumi mana dziri mumatare uye dzimwe dzacho dzakatopera kutongwa.
Vachiparura kushanda kwematare gore rino muHarare nezuro, VaMalaba vakati huwandu hwenyaya dzehuwori huri mutare hunoratidza kuti mapurisa pamwe nevachuchusi vari kuita basa ravop nemazvo. Vakati matare anoshanda akazvimirira asingaudzwe zvekuita uye mitongo yawo inofanira kuremekedzwa.
VaMalaba vakati kana vachuchusi vakaramba kuroverera munhu mhosva kana pasina humbowo kumatare, mamwe mapazi ehurumende akaita semapurisa kana Zimbabwe Anti-Corruption Commission haafaniri kupindira munyaya idzi.
Vakaenderera mberi vachishorawo mamwe magweta ayo vati anoshoropodza matare.
VaMalaba vakati vanofara kuti kushandisa michina yechizvino zvino pasi pechirongwa chavo cheIntergrated Electronic Case Management Systeme kwave kuita kuti nyaya dzitongwe nekukasika.
Mutungamiriri wesangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe, VaWellington Magaya, vakaudza Studio 7 kuti vari kufara nechitsidzo chakaitwa naVaMalaba chekuti matare anoshanda akazvimirira asi vakati hapana chakaipa kuti munhu ataure kana asina kugutsikana nemutongo wedare
Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vakaudzawo Studio 7 kuti magweta anenzira yaanofanira kutaura nyaya kana asina kufara nemutongo wedare.
Vamwe vainge vari pachiitiko ichi ndimeya weguta reHarare zvakare vari gweta, VaJacob Mafume, vakati zvinofadza kuti Judicial Service Commission inoda kuti matare aende kunzvimbo dzinogara veruzhinji uye kanzuru yavo ichavapa nzvimbo dzekuvakira matare aya.
VaMalaba vakatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo, zvakakosha kuti mapato ezvematongerwo enyika aone kuti dzaitwa murunyararo.
Vaati matare anotarisa kuti mutemo utevedzwe munguva yesarudzo vachiti izvi ndizvo zvega zvingaite kuti munyika muve nesarudzo dzisina mhirizhonga.
Facebook Forum