Dare ramejasiriti remuHarare nhasi rarasa chikumbiro chesangano rinorwira kodzero dzevana reJustice for Children chekuti mwana ari pasi pemakore gumi nemasere akasungwa pamwechete nenhengo dzebato reCitizens Coalition for Change asatongwe pamwechete nevanhu ava. Dare nhasi ranzwawo chikumbiro chenhengo dzeCCC idzi chekuti dzipihwe mukana wekubhara mari yechibatiso pamhosva yadziri kupomerwa yekuita musangano vaine chinangwa chekukonzera mhirizhonga.
Mutongi wedare ramejasitiriti, Muzvare Yeukai Dzuda, vatura mutongo wekuti mwana uyu, uyo ane makore gumi nemanomwe atongwe pamwechete nevamwe vasungwa ava vachiti haana kupa dare zvikonzero zvinogutsa.
Gweta reJustice for Children riri kumirira mwana uyu, Muzvare Pamela Musimwa vati havana kufara nemutongo waturwa nedare uyu. Muzvare Musimwa vati vachakwidza nyaya kudare repamusoro.
Zvichitevera kuchemachema kwemagweta evasungwa ava, avo vanosangansira mumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya pamwe nevanomirira Budiriro mudare iri, VaCosta Machingauta, kuti vasungwa ava havasi kupihwa chikafu nekuwaniswa nemishonga yavo nenguva, mutongi wedare atura mutongo wekuti vasungwa ava vapihwe chikafu nemishonga yavo pachitevedzerwa mitemo inoshandiswa nevekumajeri uye kuti vakwanise kupihwa chikafu kana vari pamatare.
Mushure memitongo miviri iyi, mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaGeorge Garauzive, vaenderera mberi nekupa humbowo mudare vachiti vasungwa ava havakodzere kupihwa mukana wekutongwa vachibva kumba vachiti vachiri kutsvaga vamwe vanofungidzirwa kuti vane chekuita nemhosva iyi. VaGarauzive vatiwo vasungwa ava vaiimba nziyo pamwe nekuita ma slogan ebato ravo zvakakonzera kuti muBudiriro musave nerunyararo.
Vachibvunzurudzwa nemagweta evasungwa ava, VaGarauzive vatenda kuti mapato ezvematongerwo enyika ane kodzero dzekuita misangano asi vati vanofanira kupihwa mvumo nemapurisa vakati musangano wakaitwa nevasungwa ava pamba paVaMachingauta wakanga usiri pamutemo.
VaGarauzive vatiwo havazvizive kuti makomiti emapato haasungirwe kutsvaga mvumo yemapurisa kana achida kuita misangano yawo asi vazobvuma izvi mushure mekukweshana nemagweta. Vati humbowo hwavainahwo ndehwekuti vasungwa ava vaivepo panzvimbo yavanonzi yakaparirwa mhosva pamba paVaMachingauta vari mumusangano unonzi waisave pamutemo uyu uye vamwe vevasungwa vakasungwa vari mumugwagwa unopfuura nepamba apa.
VaGarauzive vatenda mudare kuti zvavakanyora mumapepa avo zvekuti “Ngaapinde mukomana, Chamisa Chete Chete” hainganzi imhosva.
Rimwe remagweta evasusungwa ava, VaWilbert Mandinde, vati mupurisa arikupa humbowo kudare haana mhosva yaari kuburitsa pachena.
Mutongi wedare ati nyaya iyi igodzoka kudare mangwana apo vasungwa ava vakatarisirwa kuenda mberi nekukumbira dare kuti rivape mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo VaGarauzive vachibvunzurudzwa nemagweta evasungwa ava.
Vasungwa ava vakasungwa vari pamba paVaMachingauta vakapomerwa mhosva yekuita musangano pamba apa vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act havasungirwe kutsvaga mvumo kana vasiri kuita musangano weveruzhinji.
Facebook Forum