Kutongwa kwenhengo yeparamende inomirira Zengeza West, VaJob Sikhala, pamhosva yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati muna Chikunguru 2020 kwaenderera mberi nhasi.
Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala vadzoke kudare mangwana pakatarisirwa kuti nyaya yavo ienderere mberi nekutongwa mushure mekunge hurumende yadaidza mumwe mupurisa VaEdmore Runganga kuti vape huchapupu.
VaRunganga vabuditsa vhidhiyo nemazwi akatapwa anonzi akataurwa naVaSikhala muna Chikunguru 2020 vachinzi vaikurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati nechinangwa chekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vati hurumende yauya isina kurongeka zvaita kuti nyya iyi ipfuudzirwe mberi.
Kuratidzira kwemuna Chikunguru 2020 kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement rinotungamirwa naVaJacob Ngarivhume uye kuratidzira uku hakuna kuzobudirira mushure mekusungwa kwaVaNgarivhume nevamwe.
Facebook Forum