Hurumende yakabatana nedzimwe nyika nemasangano eUnited Nations nhasi Yaparura imwe homwe yemari ichabatsira kubazi rezvehutano .
Homwe iyi ichange ichizivikanwa nekuti Health Resilience Fund ichaona bazi rezvehutano munyika richibetserwa neEuropean Union, Ireland, United Kingdom nesangano reGavi, the Vaccine Alliance.
Vachitaura pavaparura homwe iyi, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika uyewo vari gurukota rezvehutano, Doctor Constantino Chiwenga vati kuburikidza nehomwe iyi, bazi ravo richawana madhora ekuAmerica mamiriyoni makumi mapfumbamwe.
VaChiwenga vati mari iyi pamwe nemari inobvawo kuhurumende ichabatsira mukuchengetedza hutano hwemadzimai nekuchengetedza vana vadiki.
Vaenderera mberi vachiti hurumende ichaona kuti mari yayapiwa iyi yashanda sezvinotarisirwa uye senyika vanotenda zvikuru kuramba vachibatsirwa munyaya dzezvehutano.
VaChiwenga vatiwo i mari iyi ichavabatsirawo kuzadzisa chirongwa chehurumende chekusimudzira hutano, National Health Strategy 2021-2025 icho vati chine chinangwa chekuona kuti munhu wese awana hutano uyewo kuona kuti mari inopiwa bazi rezvehutano yawedzerwa kuti ikwanise kusvika zvikamu gumi nezvishanu zvemari yese yebhajeti sezvinotariswa nechibvumirano cha2001 cheAbuja Declaration
Kubva zvayaisa runyoro rwayo pachibvumirano ichi, Zimbabwe haisati yambozadzikisa chibvumirano ichi.
Mumiririri we European Union muZimbabwe VaJobst von Kirchmann vataurawo pachiitiko ichi vati zvakakosha kuti hurumende isvike pakukwanisa kuzviwanira mari yekusimudzira hutano munyika pasina mari inobva kunze.
Vatiwo hutano hwakanaka inofanirwa kuve kodzero yemunhu wese. Mumiririri weIreland, Amai Fionnuala Gilsenan vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe itsvakewo nzira dzekuona kuti vashandi vezvehutano havarambi vachibuda munyika
Homwe iyi inouya mushure mekuperawo kwemari yehomwe yeHealth Development Fund yaiva yemamiriyoni mazana matatu nemakumi mashanu emadhora kana kuti 350 000 US dollars yakashanda kubva muna 2016 kusvika 2022.
Mari iyi yainge iri yekudzikisa huwandu hwemadzimai anofa akazvitakura, ndufu dzevana varipasi pemakore mashanu, kuongororwa kwechirwere chegomarara, kuona kuti vana vawana zvekudya zvinehutano kuti vakure zvakanaka, kurapwa kwechirwere che obstetric Fistula, kubatsira madzimai anenge asangana nekushungurudzwa kuti vakwanise kuzvimiririra kurwisa COVID-19 nezvimwewo.
Vachitenda kubatsirwa nechirongwa chapera che Health Development Fund, Amai Sophia Gomo vati kuburikidza nehomwe iyi vakakwanisawo kuwana dzidziso yekutanga bhizimusi izvo zvachinja hupenyu hwavo.
Hurumende dzekune dzimwe nyika nemasangano akazvimiririra aya ndiwo anonzi abatsira zvakanyanya Zimbabwe munyaya dzezvehutano kubva mugore ra2012 pavakabatsira ne homwe yeHealth Transition Fund iyo yakakwanisa kusimudza nyaya dzezvehutano munyika dzanga dzaondomoka.
Hurumende yeAmerica iri kubatsirawo zvakanyanya munyaya dzezvehutano muZimbabwe muzvrongwa zvakaita seHIV/AIDS, malari nezvimwe. China iripowo panyka dziri kubatsira Zimbabwe kunyanyaya panyaya yeCovid-19.
Facebook Forum