Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMasvingo Vanoti Vari Kunyimwa zveKudya neZanu-PF Asi Zvichirambwa neHurumende


Vatsigiri veZanu-PF
Vatsigiri veZanu-PF

Vamwe vagari vemumaruwa kuMasvingo kwaGutu nekwaChivi vari kuchema chema kuti vari kunyimwa chikafuche rubutasiro kubva kuhurumendepamberi pesarudzo dzegore rino vachipomerwa mhosva yekutsigira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change. Asi hurumende iri kuti hapana anofanira kunyimwa chikafu. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Bazi rinoona nezvemagariro evanhu rakatanga chirongwa chekupa vagari vekumaruwa chikafu zvichitevera nzara yakaitika mumwaka wegore ra2021 ne2022 nekuda kwemvura yakarambira mudenga.

Vagari vari kupihwa chibage pamhuri yoga chinoita makirogiramu makumi maviri kana kuti 20kgs. Mumwe mutsigiri webato reCCC VaTrymore Chino’mbe vanoti nemusi weMugovera vakanyimwa chikafu naVaFarai Muposi veZanu-PF paigiverwa vanhu zvekudya pazvitoro zvekeaChin;ombe kwaGutu.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMuposi pamhosva yavari kupomerwa iyi sezvo vange vasingabatiki panhare.

Mumwe mugari wekwaChivi, Amai Sarudzai Masunda vanoti vari kunyimwa chibage chehurumende pamwe nechimwe chiri kubva kumasangano akazvimiirira.
Munyori mubazi revechidiki muCCC VaGilbert Mutubuki vati vari kutambira mashoko akadai akawanda vachiti inzira yebato rinotongakushandisa chikafu kumanikidza vekumaruwa kuvatsigira.

Mukuru webasa mubazi rezvekugarisana zvakanaka kwevanhu mudunhu reMasvingo, VaStansilous Sanyangowe varamba kutipa divi rehurumende vachiti havabvumidzwi kutaura nevatori venhau.

Muzvinafundo Paul Mavhima vaudza Studio 7 kuti hurumemde haiite zvematongerwo enyika pakugovera chikafu.

Sachigaro weZanu PF muMasvingo VaRobson Mavhenyengwa varamba mashoko ekuti bato ravo riri kunyima nhengo dzeTripple C zvekudya.

Asi vebato reCCC vakawanda kuManicaland, Mashonaland Central, Mashonaland East nemamwe matunhu vanoti vari kunyimwa zvekudya kana mbeu zvinobva kuhurumende. Sangano reWorld Food Programe rinoti vanhu vanosvika zviuru mazana masere 800 000 vanoda rubatsiro rwechikafu mudunhu reMasvingo.

Hurumende inoti vanhu vari kumaruwa zvikamu makumi matatu nemasere kubva muzana-38% vakatarisana nenzara kutanga mwedzi uno.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG