Nhengo dzeCCC dzakasungwa mumusha weBudiriro muHarare dzichipomerwa mhosva yekuita musangano dziine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga dzinopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriti mushure mekugara mujeri kwemasvondo maviri.
Mutungamiri wenyika yeRepublic of Belarus, VaAlexander Lukashenko, votarisirwa kushanyira Zimbabwe kwemazuva matatu svondo rinouya parwendo rwunonzi nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rwakanangana nekusimbisa hukama hwagara huri pakati penyika mbiri idzi.
Mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana anoti ari kufadzwa nekushanya kuri kuita nhumwa dziri kumirira America dzechidzimai kuAfrica uko dziri kuda kusimbaradza hukama hweAmerica nenyika dzemuAfrica.
Nhepfenyuro yeVoice of America, Studio 7, nhasi yasvitsa makore makumi maviri ichitepfenyura muZimbabwe veruzhinji nenyanzvi mune zvematongerwo enyika vachiti inoita basa guru mukuburitsa nhau dzisina kwadzakarerekera, asi hurumende yeZimbabwe ichiti Studio 7 inotepfenyura zviri kunze kwemutemo, uye inofanira kutevedza mitemo yekutepfenyura nekufambiswa kwemashoko muZimbabwe.
Bazi rezvekurima kuburikidza neboka raro rinoona nezvedzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo, re Veterinary Services, VET, rinoti rachaita zvose mukuedza kupedza pamwe nekumisa kupararira kwechirwere chiri kuuraya mombe zvakanyanya munyika cheJanuary Disease.
Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tinokupai hurukuro nemuimbi wechidiki wekuNyanga achiri kusimukira, Elvis Nyakutsikwa, uyo anozivikanwa neremagitare rekuti Elpanaxe Tsikwaz.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk nhasi na8:00pm, tiri kutaura nezvekushanya kwenhumwa mbiri dzehurumende yeAmerica kunyika dzemuAfrica. Tichatarisawo kusvitsa makore makumi maviri kweStudio 7 pamwe nekupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwaitwa nhengo dzeCCC dzakasungwa kuBudiriro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, ne7255 Short Wave.
Facebook Forum