Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC dzeKusungwa kuBudiriro Masvondo Maviri Adarika Dzinopiwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatsiro


Nhengo dzebato reCCC dzekuBudiriro dziri mudare.
Nhengo dzebato reCCC dzekuBudiriro dziri mudare.

Mutongi wedare ramejasitiriti remuHarare nhasi atambira chikumbiro chenhengo makumi maviri neshanu dzebato reCitizens Coalition for Change dzinosanganisira nhengo mbiri dzedare reparamende dzakasungwa mumusha weBudiriro muHarare masvondo maviri adarika chekuti dzipihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Nhengo idzi dziri kupomerwa mhosva yekuungana dziine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro ichi, mutongi wedare, Muzvare Yeukai Dzuda, vati hapana zvikonzero zvinonwisa mvura zvakapihwa nevachuchisi venyaya iyi zvinokodzera kuti vasungwa ava vanyimwe mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.

Muzvare Dzuda vati vasungwa ava vazvipire kumapurisa neChishanu chogachoga mushure mekubhadhara zviuru makumi matatu zvemadhora emunyika pamunhu kana kuti ZWL$30 000.00, semari yechibatiso.

Imwe nhengo yeCCC yechikuru
Imwe nhengo yeCCC yechikuru

Asi vanasorojena vaviri vari pakati pevasungwa ava vabuditswa pasina mari yavabhadhariswa uye vanzi vasazvipire kumapurisa sezvaitwa vamwe vese.

Muzvare Dzuda vaenderera mberi vachiti zvapupu zvehurumende zvakapa hufakazi hwakasiyana mudare uye mumwe wemapurisa akasunga vanhu ava akaudza dare kuti vasungwa ava havana kuita mhirizhonga kana kuramba kusungwa pavakasungwa kuBudiriro.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaKudzai Kadzere veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vatenda kuti izvi ndizvo zvabuda mudare.

VaKadzere vatiwo sezvaturwa nedare, zviri pachena kuti vasungwa ava havana mhosva yavakapara.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati havasi kuzodzokera kumashure nekurwira shanduko munyika vakatiwo mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vanofanirawo kubuditswa muhusungwa.

Mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere
Mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere

Pakati pevasungwa ava pane mumwe anonzi akabatwa nechirwere cheCovid 19 ari mujeri zvakakonzera kuti vekumajeri vamugarise kwake ega senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi mujeri.

Pavasungwa ava pane vakwegura vaviri vanonziwo havasi kunzwa zvakanaka uye mumwe wavo ane makore makumi masere nemaviri ekuberekwa.

Pakanzwikwa chikumbiro ichi mudare, magweta evasungwa ava akapomera mapurisa mhosva yekusungawo nevanhu vaizvifambirawo zvavo mumigwagwa yekuBudiriro vasineyi nechekuita nemusangano weCCC unonzi waipindwa nevamwe vevasungwa ava.

Asi mapurisa akati vose vakasungwa vaiva pamusangano uyu uye vakapfeka nhumbi dzine ruvara rwe yellow dzakanyorwa zita rebato reCCC.

Nhengo dzeCCC idzi, idzo dzinosangasira mumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya, dzakasungwa dziri pamba pemumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta, dzichiita musangano wekomiti yebato radzo unodaidzwa kuti presidential assembly. VaMachingauta vakazozvipira kumapurisa mushure mekunge vanzwa mudare nemupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaGeorge Garauzive, kuti vaitsvagwa nemapurisa.

Nhengo dzeCCC idzi dzakasungwa dziri makumi maviri nenhanhatu, asi mumwe mwana ane makore ari pasi pegumi nemasere akaburitswa muhusungwa kare achiiswa mumaoko emagweta ake.

Zvichakadai, vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act havasungirwe kutsvaga mvumo yekuita musangano wemakomiti ebato ravo kana usiri musangano unenge uchiitwa neveruzhinji.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG