Bazi rezvekurima kuburikidza neboka raro rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo, reVeterinary Services, VET, rinoti rachaita zvose mukuedza kupedza pamwe nekumisa kupararira kwechirwere chiri kuuraya mombe zvakanyanya munyika cheJanuary Disease.
Mugwaro ravakaburitsa neChitatu svondo rino, mukuru mubazi iri, Doctor Josephat Nyika, vakabvuma kuti huwandu hwemombe dziri kufa pamwe nekubatwa nechirwere che January Disease huri kuwanda mumatunhu ose ari kunaya mvura zvakasimba munyika kunyange vasina kupa huwandu hwacho.
Chirongwa chekurwisa chirwere cheJanuary Disease chinonzi "National Declaration of War Against January Disease," icho chisati chaparurwa zviri pamutemo.
Asi patabvunza kuti imombe ngani dzafa munyika kusvika pari zvino, Doctor Nyika vanoti kusvika Chishanu svondo rapera mombe dzinodarika mazana mana nenhatu kana kuti 403 dzainge dzafa mumatunhu maduku emudunhu reMidlands chete.
Doctor Nyika vanotiwo vanovimba kuti vachakunda chirwere cheJanuary Disease sezvo vari kumanikidza varimi kuti vadhibhise mombe dzavo katatu pamasvondo maviri zvichienzaniswa nezvagara zvichiitwa zvekudhibhisa kamwechete pasvondo.
Pamusoro pazvo vanoti vane mishonga inokwana gore rino vachiti vane mumwe mushonga wekuzora mombe kuti dzisarumwe nezvikwekwe unosvika makirogirami miriyoni imwechete nechidimu kana kuti 1.5 million kilograms.
Doctor Nyika vanoti vose vasingadhibhise mombe vachasungwa sezvo mutemo uchivabvumira kusungisa vakadaro.
Mudunhu reMashonaland West chirwere cheJanuary Disease chinonzi chave mumatunhu madiki mana anoti Hurungwe, Makonde, Chegutu neMhondoro-Ngezi ,asi mukuru weboka reVET mudunhu, Doctor Thokozani Siwela vanoti havasati vapedza kufamba matunhu ose kuti vazive huwandu hwemombe dzafa mudunhu rose.
Mumwe murimi wekuHurungwe, VaGraham Svosve, avo vakambofirwa nemombe nhanhatu gore rapera kukasara mbiri chete, vanoti mushonga wedhibhi uri kushandiswa iye zvino hausi kushanda zvakanaka sezvo mombe dziri kufa kunyange dzichidhibha.
Mumwe mugari wekuSanyati, VaNomore Gore, vanoti hurumende haifanirwe kungonangana nechirwere cheJanuary Disease chete vachiti muSanyati manetsa nechirwere chemombe cheRed Wet icho chinoonekwa nekuita weti ine ropa.
Chirwere cheTheileriosis chinozivikanwa zvikuru nezita rekuti January Disease chimwe chezvirwere zvakawanda zvinobata mombe, uye chinotapurirwa nezvishambwe kana zvikwekee zvemunzeve, izvo zvinopedzwa nekudhibhisa mombe mumvura ine mushonga kana kudzizora mushonga.
Chirwere ichi chinonyanya kubata mombe pakati paZvita naKurume.
Zimbabwe yakamboita mushandirapamwe nesangano re European Union, iro rakaisa mari inoita mamiriyoni makumi mana emapaunzi muhomwe yeFood and Agriculture Organisation, yakanangana nekurwisa zvikwekwe muZimbabwe pasi pechirongwa cheNarional Tick-Borne Disease Control Strategy, icho chakatanga muna 2019 chikapera gore rapera.
Nekuda kwerubatsiro urwu, Doctor Nyika vanoti chirwere cheJanuary Disease chakambodzika nezvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 47% muna 2021, zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana kana kuti 31% muna 2022.
Facebook Forum