Mwana wechikoro cheFounders High chiri muBulawayo, Wayne Ndlovu, uyo akashaya mushure mekubaiwa nebanga nemumwe mwana wechikoro wepaHamilton High, chiri makare muBulawayo, aradzikwa kumarinda eMvutshwa makare muBulawayo.
Vakwanda vaonekana nemushakabvu vakurudzira kuti kushaya kwaWayne kunofanirwa kuita kuti vanhu vose munyika vadzamise pfungwa nekutora matanho akasimba ekudzivirira kushungurudzana kwevana muzvikoro kuitira kuti zviitiko zvakadai zvisaitika zvakare.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vatumirawo mashoko avo ekunyaradza mhuri kuburikidza negurukota rinoona nezvedunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, vachiti zvinorwadza kuti mwana mudiki akadai anga achazobatsira mukusimudzira nyika arasikirwa nehupenyu.
Pange paine kurwadziwa kukuru kwange kuchioneka zviri pachena pagungano rekuonekana naWayne, uyo akashaya nemusi weMuvhuro.
Vanhu vanzwa tsitsi pamwe nekurwadziwa kwakanyanya apo Amai VaWayne,
Amai Nomatter Ndlovu, vazvisimbisa vakataura nhoroondo yemwana wavo vachiti
aive mwana aive nenjere dzakapinza, aigara achifara, achitarisira kubatsira vamwe.
Mukuru wechikoro cheFounders, Amai Dorothia Moyo, varatidzawo kurwadziwa kwakasangana nehasha, vakatenda vemhuri yaWayne nekuzvipira kwayakaita kuti gungano rekuonekana naye riitirwe pachikoro pavo.
Vati pane mashoko ekuti vamwe vana vepaFounders, vakabatana
nevepaGifford, vange vakaronga kuti vanorwisana nevepaHamilton senzira
yekutsiva kuuraiwa kwaWayne, zvinove zvinhu zvavashora zvikuru,
vachiti kufa kwake kunofanirwa kuve dzidziso yakakura kuvana
vechikoro.
"Dai pfungwa dzedu dzikave pachikoro, tingabudirira, tichirwisana
mune zvakanaka munyaya dzemabhuku, mitambo nezvimwe, uye izvi
zvingabatsira chose kuti zvikoro zvedu zvive nzvimbo dzakanaka dzekuti
vana vechikoro vave vanochengetedzeka, kwete kuita pfungwa dzekuti
ndoda kutakura banga kuti ndinorwa nemumwe mwana wechikoro. Tave vana
vakaita sei?"
Vakambove gurukota redzidzo VaGabriel Machinga, avo vanove sekuru
vemufi, vati kufa kwemuzukuru wavo kuri kuvatambudza zvikuru uye kunofanirwa kuita kuti vanhu munyika vafungisise pamusoro pematambudziko ave muzvikoro ekurwa kana kushungurudzana.
VaMachinga vati zvinoitika mukurarama kunze uko ndizvo zvinozotakurwa nevana kuenda nazvo kuzvikoro.
Vachitaurawo pagungano iri, VaJabulani Sibanda, vanove sachigaro vebato reZanu PF mudunhu reBulawayo, vati vanhu havangapete maoko izvo zviri pachena kuti munyika maita dambudziko rekuti vachidiki vave kuwana zvinodhaka zviri nyore, vachiti veruzhinji vanofanirwa kuzvipira kurwisa matambudziko aya sekuzvipira
kwavakaita pakurwira rusununguko.
Asi pavange vari pakati pekutaura izvi pane vamwe vanhu vange vari
pagungano iri vadeedzera kuti matambudziko akadai ari kukonzerwa
nevamwe vakuru vakuru veZanu PF.
Vataura vakamirira bazi rezvedzidzo yepasi vari mutariri wezvikoro
muBulawayo, Amai Loice Ngulube, vati chinangwa chikuru chezvikoro kudzidzisa vana vachiti vanenge vachitarisirawo kuti vabereki vanobatsira nekuona kuti
vana vane tsika dzakanaka here?
Vati bazi redzidzo yepasi rave nehurongwa hwekudzidzisa vana muzvikoro
nezvekukosha kwakaita tsika dzakanaka.
Mutauriri wemapurisa, Inspector Abednico Ncube, vati mapurisa agara
achiita zvose zvakafanira kudzivirira mhirizhonga pamwe
nekushandiswa kwezvinodhaka muzvikoro nevana vechikoro, vakati yasvika nguva yekuti mapurisa, vachishanda pamwe nevadzidzisi nevabereki, vaise misoro
pamwe kurwisa matambudziko aya.
Wayne ange ave kuita Form Four yake uye anga ave nemakore gumi nematanhatu ekuberekwa.
Anofungidzirwa kuti ndiye akamubaya, uyo watisingakwanise kudoma nezita sezvo asati abve zera, akasungwa akamiswa pamberi pedare kekutanga nemusi weChitatu uye anotarisirwa kudzoka kudare zvekare musi wa27 mwedzi uno.
Facebook Forum