Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varamba kutambira kurudziro yeUnited Nations yekuti vasaise runyoro rwavo pabhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organizations Bill.
Vachinyora mubepanhau reSunday Mail nhasi, VaMnangagwa vati bhiri iri vacharisayina nekuti rakakosha sezvo vari kupoerwa mhosva vemasangano akazvimirira oga yekushanda nevekunze kuda kupidigura hurumende yavo.
Vatiwo masangano akazvimirira oga ari munyika awandisa. VaMnangagwa vanotiwo mamwe masangano aya ange oshandiswa kufambisa mari dzisina kuchena zvine dambudziko rekuti aizoguma oshandiswa nemasangano anopfurikidza mwero. Vatiwo uyu mutemo wemuZimbabwe usinei nevekunze.
Bazi rinoona nezvekodzero dzevanhu muUnited Nations resvondo rapera rakakurudzira VaMnangagwa kuti vasaise runyoro rwavo pabhiri iri vachiti harifambirane nenyika ine hutongo hwejekerere uye rine mbunyikidza kodzero dzevanhu.
Vanokokera mabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vati senhengo yeUnited Nations, zvakakosha kuti Zimbabwe iteerere zvinotaurwawo nesangano iri.
VaMandinde vati mitemo yakadai ndiyo inozopa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.
Facebook Forum