Hurumende inoti iri kuronga kuvandudza mutemo unobata vanoshandisa mishonga yechivanhu uye vanoita zvemweya pakurapa nekuomesera vari kushanda vasina kunyoreswa neTraditional Medical Practitioners Council kana kuti PMTC nevamwe vasingatevedzeri mutemo weTraditional Medical Practitioners Council Act.
Vanorapa nemishonga yechivanhu nemaporofita vanonzi munguva inotevera vanenge vave kusungirwa kushandisa mishina inoongorora zvirwere zvemoyo kana kuti BP, Shuga, kupisa kwemuviri uye nekukasika kuendesa varwere vanematenda akakomba kuzvipayara. vakwanise kushandisa mishina iyi.
Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare nemutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro nenhengo dzeTraditional Medical Practitioners Council nemusi weChitatu. Doctor Mangwiro vanoti matanho aya achatorwa senzira yekudzivirira kufa kwevanhu nezvirwere zvinokwanisika kurapika kumakiriki nezvipatara.
Vakaenderera mberi vachiti donzvo rekurapa nderekuraramisa munhu nekudaro panofanira kuitwa zvose zvinokwanisika kuti munhu asarasikirwe nehupenyu.
VaMangwiro vanoti sangano reTraditional Practitioners Medical Council ndiro rine mvumo yekupa marezinesi zviri pamutemo kwete mamwe masangano ave kungonyuka.
Kunyangwe hazvo vamwe vari kutambira zvakataurwa nehurumende izvi, vamwe vanoita zvemweya vari kunyunyuta vachiti TMPC Act inofanira kuvandudzwa kuti ipatsanure mashandiro en’anga nevanorapa nemweya. Mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe Bishop Johannes Ndanga vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu unotaura nezvekushandisa mishonga yechivanhu kwete vemweya.
Bishop Cuthbert Nyaruvenda vesangano rinonzi Dzvene reVapositori, uye vari zvakare mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vatsinhirawo vachiti…
Vanoona nezvekuremekedzwa kwemitemo panyaya yemarezinesi eTMPC VaWellington Matenga vati vasina marezinesi vachazvipinza mukanwa mamupere.
Mushure mekuona kuti vanhu vakawanda vari kushandisa mishonga yechivanhu nezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira hurombo, hurumende muna 2020 yakadzika mutemo weTraditional Medical Practitioners Act uyo unoumba kanzuru inoongorora mashandisirwo emushonga uyu kana kuti Traditional Medical Practitioners Council. Unosungira vanoita mabasa aya kuti unyorese zviri pamutemo.
Facebook Forum