Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoyambirwa nezveCyclone Freddy Riri Kutarisirwa Kuvhiringidza SADC


Cyclone Freddy
Cyclone Freddy

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze munyika reMeteorological Services Department neve bazi reUnited Nations rinoona nezvemamiriro ekunze vari kuyambira kuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC dzinogona kuwirwa nedambudziko remafashamu emvura nedurumupenfo remhepo rinonzi Cyclone Freddy.

Vanoona nezvemamiriro ekunzu ava vari kuyambira kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 millioon zvikuru kuMadagascar vanogona kuwirwa nedambudziko remafashamu emvura esimba rinosvika pachikero chepamusoro cheCategory 4. Mvura ine mhepo yakasimba yatotanga kunaya.

Dzimwe nyika dzakatarisana nemafashamu aya dzinosanganisira Botswana, Zambia, Zimbabwe, Eswatini neSouth Africa.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze munyika razivisa vanhu kuti vagare vakangwarira asi kuti vasanyanyorohwe nehana sezvo riri kushanda zvakasimba kutevera mafambiro ari kuita Cyclone Freddy.

Mafashamu neDutumupengo zviri kutarisirwa kusvika muMozambique nemusi weChishanu.

Bazi iri riri kuyambirawo vanhu kuti vangwarire pavanoyedza kuyambuka nzizi kunyangwe nzvimbo yavo isina kunaya sezvo mvura yakawanda inogona kunge yanaya kune dzimwe nzvimbo yozoyerera yakawanda kune dzimwe.

Met Department yati mangwana, nzvimbo dzose dzenyika dziri kutarisirwa kunaya kunze kwMatabeleland North chete.

Zvichakadaro, vamwe vagari vekuMasvingo vakaita saAmai Cecilia Mapfumo vemumuhsha weRunyararo West vari kuchema chema kuti mvura iri kunaya iri kupinda mumba mavo.

Vamwewo vakaita saVaRichard Munyenye vemumusha weOld Railways kwaMucheke vanoti kunze kwekutyira midziyo yavo yakafa vave kutyirawo kuti imba yavo inogona kuwondomoka.

Kanzura weward 3 inosaganisira Runyararo West , VaRocky KaMuzonda vanoti vange vari mubishi rekuvenga nekuongorora kuparadzwa kwakaitwa midziyo iyi muward mavo umo mune dzimba dzinopfuura gumi dzakasangana nedambudziko iri.

Zvichakadaro bazi rinoona nezvemvura yemunzizi nemumadhamu munyika reZimbabwe National Water Authority (ZINWA) munyika rinoti madhamu mazhinji azara zvekupfachukira zviri kuita kuti nzizi dziwande mvura zvinogona kukonzera njodzi kuvanhu.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri weZINWA , Amai Majorie Munyonga vati mamwe madhamu akaita seMutirimkwi azarisa.

KuMatabeleland South kunzvimbo dzakaita seMapisa, Matobo ne Gwanda nzizi dzakawanda dzinonzi dzakapfachukira mukupera kwesvondo.

ZINWA inotiwo mamwe madhamu azara zvekupfuura zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitanhatu 96% munyika anosanganisira, Zhowe kuMatabeleland South , Mazowe neMazvikadeyi kuMashonaland Central neWest.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG