Gore negore, musi wa 21 kukadzi nyika inorangarira nekupemberera zuva revechidiki, renational youth day, iro raimbozivikanwa nekuti 21st February Movement.
Vachitaura kuLupane kwange kuchiitirwa mhemberero dzegore rino nhasi, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati hurumende vavimbisa kuti vave kuita hurongwa hwekushandisa mapurisa kuona kuti zvinodhaka hazvirabe zvhichitengeswa nekushandisa zvinodhaka.
Vavimbisa kuti vachavandudza mitemo kuomesera vari kutengesa zvinodhaka. Asi zuva remhemberero idzi dzinounza gakava guru sezvo vamwe vachiti rinobatsira vechidiki asi vamwe vachiti riri kushandiswa kuvharidzira kukundikana kuri kuita hurumende, kugadzira mikana inopa vechidiki chouviri mukurarama kwavo.
Mumwe wechidiki ari musangano reZimbabwe Youth Arise, Tatenda Makuvire, anoti zuva iri rakakosha sezvo riri mucherechedzo wekuti vechidiki vanokosheswa munyika.
Vat, “VaMugabe vakaita kuti vechidiki vatariswe sevanhu munyika yedu. Vakativhurira mikana yekuti tiwane dzidzo kubudikidza nePresidential Scholarship; vechidiki vakawanawo mari dzekutanga mabhizimusi pamwechete nekuwana nzvimbo dzekuvaka; vakawana mukana zvekare wekupinda mune zvematongerwo enyika.”
Asi mumwewo wechidiki, uye ari mutevedzeri wasachigaro wesangano iro rinodyidyana nemumiriri weNorton mudare reNational Assembly, VaTemba Mliswa, reYouth Advocacy for Reform and Democracy, VaTinotenda Mhungu, vanoti vechidiki havanei nezuva reNational Youth Day. VaMhungu vati, “Isu segungano revechidiki reYouth Advocacy for Reform and Advocacy, tisu gungano rekutanga rakataura mugore ra2015 richiti vechidiki havanei nezuva rinonzi National Youth Day, rinova raiva bhavhadhe revaimbova mutungamiri wenyika vaMugabe.”
Studio7 haina kukwanisa kubata hutungamiri hwevechidiki muZanu PF kuti tinzwe maonero ahwo panyaya iyi.
Asi mumwe wevechidiki mubato iri, zvekare vari mumiriri weZanu PF mudunhu reSeke-Chikomba muNational Assembly, Muzvare Tatenda Mavetera, vanoti panoda dzidziso kune vechidiki kuti vazive kuti zuva ravo iri, harinei nezvematongerwo enyika asi kuti ndere wechidiki wese wemuZimbabwe.
Vati, “Zuva iri rakangofanana nemazuva ekupemberera magamba kana kuzvitonga kuzere, anova asinei nekuti munhu anobva kubato ripi. Izuva rekuti vechidiki vasangane nemutungamiri wenyika vachikurukura kuti ndezvipi zvavari kuita zvakanaka; ndekupi kwavari kusarira uye chii chingaitwa kuvabatsira.”
Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, VaStephen Chuma, vanoti zuva reNational Youth Day harina maturo kune vechidiki nekuti rinovayeuchidza mabasa ehumbimbindoga ayiitwa nevaimbova mutungamiri wenyika, muchakabvu VaRobert Mugabe.
VaChuma vati, “Zuva iri izuva reZanu PF. Tozviziva kuti vaMugabe vakashungurudza vanhu vakawanda uye vakatora nyika ino kubva mukuyemurwa muAfrica, ikozvino tave vanhu vanongoshorwa.”
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Va Luke Chitsike, vanoti mavambiro akaita mhemberero idzi ndiwo mudzi wenyunyuto kune vechidiki vakawanda.
VaChitsike vati, “Vazhinji vechidiki vanga vasingawirirani nehutongi hwaivapo hwavaRobert Mugabe, uhwo hwakakonzeresa kushaika kwemabasa, kushaya simba kwemari yemuno, nezvimwe zvakadaro. Nekudaro, vazhinji vechidiki vanoriona sezuva riripo kurangarira vechidiki veZanu PF chete.”
Asi vanoona nezvakufambiswa kwemashoko mubazi revechidiki, VaWeston Makoni, vanoti pane zvakawanda zviri kuitwa nehurumende zvinosanganisira kuvhurwa kwezvikoro zvemabasa emaoko, kuvambwa kwemakambani uye kuwanisa vechidiki mikana yekukwereta mari kuti vasimudzire mabasa anovapa cheuviri. VaMakoni vanotiwo zuva iri harineyi nezve,atongerwo enyika.
Vati,“Zuva iri harinei nezvematongerwo enyika. Izuva revechidiki veZimbabwe, zvisinei nekuti vanotsigira bato rezvematongerwo enyika ripi.”
Zuva reRobert Gabriel Mugabe National Youth Day rakatanga kupihwa ruremekedzo zviri pamutemo muna Mbudzi 2017 mushure mechisungo chakaitwa nevechidiki muZanu PF muna Nyamavhuvhu 2017.
Zita rezuva iri risati ravandudzwa, rakavambwa nevechidiki muZanu PF muna 1986 richizivikanwa nerekuti 21st February Movement, senzira yekuremekedza mabasa amuchakabvu Robert Mugabe, avo vakaberekwa musi wa Kukadzi 21, 1924.
VaMugabe, avo vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017, vakafira muchipatara cheGleneagles kuSingapore musi wa 6 Gunyana, 2019.
Facebook Forum