Mumwe mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary Bureau of African Affairs VaRobert Scott vasvika muHarare nhasi kuti vatange kuita hurukuro nehurumemde nevamwe vemapato anokiupisa nevamwe vmasangano akazvimirira oga.
Asi vatori venhau veStudio 7 neNewsday varambidzwa kupinda panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport pavasvika masikati.
Ambassador Robert Scott vaudza vatori venhau pavasvika kuti shoko ravabva naro kuAmerica ndere kukurudzira Zimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena.
Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo munaNyamavhuvhu sekutaurwa kwakamboitwa nemutungamiri wenyika Vaemmersonn Mnangagwa vanotara zuva resarudzo.
Mutauriri webazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLivit Mugejo vaudza Studio 7 kuti kushanya kwaVaScott kwakakosha zvikuru vachiti donzvo rehurumende nderekugadzirisa hukama neAmerica
Vatiwo vakatotanga kuvaka hukama uhu kuburikidza nemusangano weU.S- Africa Leaders’ Summit wakaitwa muna Zvita muAmerica. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakatemerwa zvirango neAmerica Havana kukokwa asi vainge vakamirirwa negurukuta rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava.
VaScott vari kutarisirwa kutaura nezvematanho achataorwa kuzadzikisa zvakabvumiranwa pamusangano weUS-Africa Leader’s summit uyu. Vachataurawo nyaya yekuti Zimbabwe ingabatsirwe sei kugadzirisa dambudziko remari inosvika mabhiriyonio matanhatu kana kuti b billion in arrears dzakawedzerwa pazvikwereti zvaaiinayo kunyika nemabhanga ekunze
Panyaya yekurambidzwa kweStudio 7 neNewsday kutora nhau panhandare yendege, VaMugejo vati vane hurombo nezvaitika. Hapana zvikonzero zvanga zvapihwa nehurumende kuti sei mutori wenhau weStudio 7 newebepanhau reNewsday Priviledge Gumbodete varambidzwa kupinda asi vamwe vatori venhau vachibvumidzwa.
Nyanzvi munezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Center VaEarnest Mudzengi vakurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzirimubumbiro remitemo yenyika iro rinotendera kuti vatori venhau vashande vakasununguka.
Mushandi mukuru kuPublic Affairs kumuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Meg Riggs vati vanga vaine hurombo kuti pane vamwe vatori venhau varambidzwa kuita basa vakatiwo vanga vasina kumboziviswa kuti vatori venhau vanga vakokwa kunhandare yendege.
Imwe nyanzvi munezvematongerwo enyika Doctor Bekezela Gumbo vanoshanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute vaudza Studio 7 kuti kushanya kwaVaScott uku kunoratidza kuti America inechido chekudyidzana neZimbabwe. VaScott vari kutarisirwa kuva munyika kusvika musi wa5 Kurume.
Facebook Forum