Accessibility links

Breaking News

Mukuru muHurumende yeAmerica Ari Kushanya muZimbabwe Anoti Nyika Yake Ichatsigira Masangano Anopa Dzidziso Pamusoro peKodzero dzeVanhu


Mukuru mukuru mubazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica, VaRobert Scott.
Mukuru mukuru mubazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica, VaRobert Scott.

Mumwe mukuru mukuru mubazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica ati America ichabatsira masangano anoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizive kodzero dzazvo dzezvematongerwo enyika achitiwo Zimbabwe ikaenderera mberi nekupasisa mutemo wePrivate Voluntary Organisation PVO Ammendment Bill zvichakanganisa chimiro chenyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, Deputy Assistant Secretary Bureau of African Affairs, VaRobert Scott, avo vari muHarare, vati vavariro yavo ndeyekutiwo Zimbabwe ibudirire mukuita sarudzo dzakachena uye dzejekerere.

VaScott vati kunyangwe hazvo vachibatsira munyaya dzesarudzo, havapi rubatsiro kumasangano ezvematongerwo enyika.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaOstallos Siziba, vati vanotambira nemufaro zvirongwa zvinobatsira vagari kuti vave neruzivo nezvekuvhota.

Izvi zvatsinhirwa nevanoongorora zvematongerwo enyika, VaOmwe Dhliwayo, avo vati chinhu chakanaka kuti vemasangano akazvimirira vange vachiwana rutsigiro nekuti vanobatsira kupa dzidziso yezviri kuitika munyika.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati vanoshamiswa nekufarira kweAmerica kushanda nevari kunze kwehurumende.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende nezvemashoko aVaScott aya sezvo tatadza kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, kanawo Munyori Mukuru mubazi iri.

Vachitshinhira kusafara kwavo nemutemo wePrivate Voluntary Bill uri kuda kuvandudzwa neZimbabwe, VaScott vatiwo pamusoro pekukanganisa mashandiro emasangano akazvimiririra ari kubatsira vana veZimbabwe mune zvakasiyana-siyana, mutemo uyu unosvibisawo nyika.

Mutemo uyu wamirira kusainwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakatotaura kare kuti vari kuzoisa runyoro rwavo zvisineyi nekuchema chema kuri kuita vemasangano akazvimiririra, vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato anopikisa. United Nations yakayambirawo kuti Zimbabwe isadzike mutemo uyu.

Asi America yarumbidzawo Zimbabwe nekutanga hurukuro dzekuti ingabatsirwe sei kugadzirisa dambudziko remari yezvikwereti zvaaiinayo kunyika nemabhanga ekunze. VaScott vati zvakakosha kuti mukuedza kugadzirisa dambudziko iri, Zimbabwe irambe ichinzwa pfungwa kubva kuvanhu vakasiyana-siyana kusanganisira vemasangano akazvimiririra. VaScott vasanganawo nevamiririri vemasangano akazvimiririra nhasi uye vaudza vatori venhau kuti vachange vachizosanganawo nevari mune zvematongerwo enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG