Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vochema Chema Nekushaikwa kweNzvimbo Dzekutandarira Munharaunda Dzavo


Girls Support Soccer Game in Chimanimani
Girls Support Soccer Game in Chimanimani

Vechidiki vakawanda vanoti vari kusangana nedambudziko rekushaya nzvimbo dzekutandarira kumaruwa, kana kuti recreational facilities. Izvi zviri kuitika mumatunhu akawanda, kunyange hazvo mamwe matunhu aine nzvimbo shoma dzekutandarira dzakavandudzwa.

Vechidiki ava vanoti nzvimbo dzavanogara hadzina nhandare dzekuitira mitambo yakasiyana siyana izvo zviri kuvasiya vasina zvekuita zvinovavaraidza.

Mumwe mukomana wechidiki, Makomborero Mafukidze wekwaMurewa, anoti akaita rombo rakanaka akakwanisa kuenderera mberi nedzidzo yake paChinhoyi University of Technology, apo pane nzvimbo dzekutandarira dzakawanda.

Asi Mafukidze anoti haana zvakawanda zvekuita zvinobatika kana ari kumba. “Kazhinji kacho kana tabva kuchikoro tinowanzotandara neshamwari tichitaura nyaya dzebhora kana dzevaimbi.” Vaenderera mberi vachiti, “Ndinoona sekunge dai madzishe edu akwanisa kutivakirawo nhandare dzakanaka kana nzvimbo dzekuti tisangane sevana vechidiki voisa maSnooker table kana maTV ekuti tinongoonawo.”

Mumwe musikana wechidiki, Mitchell Zvingwaru, uyo anobva kuMasvingo anoto nzvimbo yake haina pekuitira mitambo yaanoda. Anotiwo dai hurumende yabatsira mukusimudzira nharaunda yake, “Dai zvaikwanisika tavakirwawo maCommunity hall tipote tichisangana sevechidiki tichidzidzisanawo zvimwewo zvidobi-dobi zvirikowo mazuvano, mibato yemaoko nezvimwe zvakangodaro-daro”

Nepamusana pekushaya zvinovaraidza vechidiki kumaruwa, mumwe mudzimai anobva kuMhondoro asina kuda kudomwa nezita rake, anoti vechidiki vanopedzisira voita misikanzwa.

Vatiwo, “Vanasikana vedu vapera kuitwa madzimai vari vana vadiki nekuti havana zvimwe zvinhu zvavanogona kuita kana vasiri kuchikoro kana kumunda.” Vatiwo, “ Kana vari vanakomana vava kutora zvinodhaka uye kuba kwacho kwanyanya, huku dzapera mumaraini umu. Vaya vanouya vachitsvaga rutsigiro rwemavhoti, dai vauya vachiita maCampaigns kubudikidza nekutivakirawo nzvimbo dzinovaraidza vechidiki, vambomira kutipa mbeu, nekuti mbeu iyi haibatsiri kana tichirasikirwa nevana vakawanda.”

Nyanzvi imorwira kodzero dzevechidiki, VaTichaona Mubvuyiwa, vanoti kushaikwa kwenzvimbo dzekutandarira kumaruwa kuri kukonzera kuti matarenda evechidiki vemunzvimbo idzi asabude pachena, uye vatadze kuwana chouviri kubudikidza nezvipo zvaanoberekwa vanazvo. VaMubvuyiwa vati, “Kushaika kwenzvimbo idzi kunouraya zvikuru matarenda evana nokuti kana zvikwanisiro zvisipo, matarenda aya anongogumira ikoko kwavanenge vari, muzvikoro.”

Taedza kubata sachigaro wekomiti inoona nezvevechidiki mudare reHouse of Assembly, VaMathias Tongofa veZanu PF, asi havana kukwanisa kutiudza kuti vane matanho avari kutora here ekugadzirisa dambudziko iri.

Asi mumiriri we Hwange mudare reparamende, VaDaniel Molokele veCitizens Coalition for Change, vanoti vachakurudzira zvakasimbisa bazi rinoona

nezvevechidiki kuti richimbidze kugadzirisa mamiriro akaita zvinhu kumaruwa. VaMolokela vati, “Ichokwadi kuti kumaruwa vechidiki havana nzvimbo dzekuti vatandadzane". Vatiwo, "Inyaya yakabva mumazuva ekutonga kwevarungu muno, apa vaiisa nzvimbo idzi mumataundi chete, kozotiwo pakauya kuzvitonga kuzere, hapana zvakanyanya kuitwa kugadzirisa mamiriro aya.”

Mukuru anoona nezvemitambo pamwe nekuvandudzwa kwenzvimbo dzekutandarira mubazi rinoona nezvevechidiki, Doctor Eugine Chidhakwa, vanoti ichokwadi kuti nzvimbo idzi ishoma kumaruwa, asi bazi ravo rakatotanga kuvaka, pamwe nekuvandudza dzimwe dzenzvimbo idzi mumatunhu ose ari munyika. Vanoti hakuna dunhu richasara pachirongwa ichi.

Vati, “Maruzevha mazhinji haana nzvimbo dzekutandarira pamwe nekuzvivaraidza, asi sebazi, tiri kutaura nemakanzuru ekumaruwa kuti vasiye nzvimbo dzatinokwanisa kuzovaka nzvimbo idzi. Tinoda kubva tavandudzawo anenge aripo iwawo.”

Asi vamwe vanoti nyaya yekushomeka kana kusatowanikwa zvachose kwenzvimbo dzakavandudzwa dzekuti vechidiki vakwanise kutandarira vari kumaruwa, inyaya isingakosheswi nehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti seyi hurumende isiri kukoshesa nyaya yekugadzirisa nzvimbo dzekutandarira kumaruwa.

Asi mubhajeti rayo ra2023, VaNcube vakaisa parutivi mari inosvika bhiriyoni imwe chete nemamiriyoni mazana maviri emadhora emuZimbabwe semari yekushandisa mukuvandudza nzvimbo dzinoitirwa mitambo dzakaita seNational Sports Stadium ne Magamba Hockey stadium muHarare, Khumalo Hockey stadium kuBulawayo, pamwe neAquatic Complex kuChitungwiza.

VaNcube hapana pavakataura nezvekuvandudzwa kwenzvimbo dzekutandarira kumaruwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG