Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Youdza Musangano weU.N Kuti Iri Kuremekedza Kodzero dzeMadzimai, Asi Vamwe Vachiti Pane Zvakawanda Zvinoda Kuitwa


Musangano wechimakumi matanhatu nenomwe kana kuti 67th session of the Commission on the Status of Women uri kuenderera mberi kumuzinda weUnited Nations muNew York nhasi mumwedzi uno wekucherechedza madzimai nekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzavo.

Vachitaura pamusangano uyu nhasi, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati Zimbabwe ine bumbiro remutemo rinokoshesa kodzero dzemadzimai. Vatiwo Zimbabwe yaisa runyoro rwayo pazvibvumirano zvakawanda zvakanangana nekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai.

Minister Monica Mutsvangwa
Minister Monica Mutsvangwa

Vati mitemo yakaita seData Protection Act yakadzikwa nenyika inobatsirawo kuchengetedza kodzero dzevanasikana. Amai Mutsvangwa vatiwo Zimbabwe yakaparura matare epamadandemutande kana kuti virtul courts mumagtunhu ose gumi enyika kuti vasikana nemadzimai vakwanise kumhan’ara nyaya dzavo vakati muzvikoro nyika iri kusimudzirawo dzidzo yemwanasikana.

Gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni vari kumusangano uyu pamwe nevamwe vemasangano akazvimirira oga vakawanda vari mune nyaya dzekurwira kodzero dzevanhu.

Zvichakadaro, nezuro pazuva remadzimai kana kuti International Womens Day, mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Jill Biden negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAnthony Blinken vakapa mubayiwo wehushing kumadzimai gumi nemumwe kubva kunyika dzakasiyana siyana kusanganisira kuEthiopia, Afghanistan, Malaysia nedzimwe.

Mubayiwo uyu wakakosha zvikuru kune vanorwira kodzero dzevanhu. Vakambopihwa mubayiro uyu, Amai Rita Nyamupinga avo vanorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana vati hurumede inofanira kuomesera vanoroodza vanasikana vasati vabva zera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG