Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yavo iri kugara pasi svondo rinouya kuti idzikise mari dziri kubhadhariswa vanhu vanenge vasungirwa motokari dzavo muguta reHarare nemhosva yekusaratidza rusiti rwekuti vabhadhara mari dzekupaka motokari dzavo.
Izvi zvinotevera kuchema kukuru kuri kuitwa neveruzhinji, avo vari kupomera kanzuru yeHarare pamwe nekambani ye City Parking, iyo inoona nezvenzvimbo dzekupaka dzimotokari muHarare.
Izvi zviri kuuyawo panguva iyo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vakaumba komisheni ichaferefeta mashandiro ekambani ye City Parking uyewo hukama hwayo nekanzuru, pamwe nekuti mari dziri kuwanikwa dziri kufambiswa sei.
Pari zvino vanhu vanenge vasungirwa motokari dzavo vari kubhadhariswa madhora ekuAmerica zana nemakumi matatu nemaviri, kana kuti $132.00.
VaMafume vanoti muripo wekusungirwa motokari uri kuchemwa nawo neveruzhinji uyu wagara uripo , asi kuti wakazokwidzwa pabhajeti rekanzuru ra2023.
Vashandi veCity Parking vanopomerwawo mhosva yekushaikwa panopaka munhu motokari yake kuti abhadhare kuitira kuti awane rusiti, asi vozonyuka vachisunga motokari muridzi aenda.
Vanonziwo vanoda chiokomuhomwe chemari dzakasiyanasiyana kuti vakwanise kusunungura motokari dzavanenge vasunga.
Asi VaMafume vavimbisa kuti kanzuru yavo ichatungamidza zvido zvevagari mberi.
Vanoti vave kukurudzira veruzhinji kuti vashandise nhamba dzinoti *192# kuitira kuti vabhadhare miripo yavo kukanzuru zvisina dambudziko.
Facebook Forum