Chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota che Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yaka batana nehofisi yaMudzviti iri kupa vanhu magwaro ekuberekwa nezvitupa chapinda muzuva rechipiri vanhu vachibuda nehuwandu hwavo munzvimbo zhinji asi vamwe vachigunun’una kuti zviri kutora nguva yakareba kuti vabatsirwe.
Asi panenge paita mutauro pamashandiro ehofisi yekwamudzviti inonzi yaendesa zvikwata zvakawanda kumamisha kwete mudhorobha kunopa vanhu magwaro ekuti vakwanise kuvhota.
Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato reTripple C, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti vaitarisira kuti chirongwa ichi chaichaitwa pamwe nechezvitupa asi kune dzimwe nzvimbo izvi hazvina kuitika vachitiwo mimwe michina yeZEC haisi kushanda zvakanka.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe asi vamwe kuhofisi yamabharani mukuru wehurumende vati zvinhu zvacho zvakangoitwa zvechimbi chimbi zvapa kuti vamwe vatadze kuenda kubasa iri. Vamwe vashandi vari kuchema chemawo kuti havana kupihwa mari yekushanda kwavakaita gore rapera muna Chikunguru, Nyamavhuvhu naGunyana.
VaMakone vaenderera mberi mberi vachiti nyaya yekufa kwemichina nekuenda kwemagetsi iri kuvhiringawo chirongwa ichi uye vatonyorera kuZEC vachigunun’una. VaMakone vatiwo kune dzimwe nzvimbo kana vemapato ezvematongerwo enyika vari kurambidzwa kuongoroa chirongwa ichi.
Mumwe mugari wekuKuwadzana East, VaWellington Mariga, vaudza Studio 7 kuti vazokwanisa kunyoresa nhasi mushure mekutadza kuita izvi nezuro.
Amai Selina Kawareware avo vari kubatsira vanhu kunyoresa kuvhota vanoti nhasi zvange zviri nani kudarika nezuro uye vanotarisira kuti pakupera kwezuva pachange panyoresa vanhu vakawanda kudarika nezuro.
Amai Kawareware vati zvinofadza kuona kuti vechidiki vakawanda vari kuuya kuzonyoresa kuvhota.
Ongororo yataita yaratidzawo kuti zvichitevera kutarwa kwemiganhu mitsva vamwe vanhu vakawanda vari kuchinjawo nzvimbo dzekuvhotera.
Mumiriri weKuwadzana East mudare reparamende VaCharlton Hwende, veCitizens Coalition for Change, vaudza Studio 7 kuti kunze kwekunonoka kunyoresa pane vamwewo vanhu vari kuenda kunonyoresa vasina magwaro anodiwa akaita sezvitupa.
Munzvimbo dzakawanda kusanganisira Budiriro, Glen View neEpworth, vanhu vange vachichema chema kuti nekunonoka kunyoresa kuvhota pamwe nekuti michina yeZEC yange ichimbofa.
Mutauriri weMDC inomiririrwa, naVaDouglas Mwonzora, VaWitness vatiwo vatambira zvichemo xvekuti zvinhu hazvi kufamba sezvavange vakatarisira.
Kana vatapi venhau vari kurambidzwawo kuongorora chirongwa ichi vachinzi vanofanira kunge vakapihwa Acredidation neZEC. Asi ZEC haina kumbokoka vese vane chekuita nezvesarudzo kuti vazopoihwa magwaro aya.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato reZanu PF sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato iri VaTafadzwa Mugwadi vange vasati vapindura mibvunzo yedu.
Asi mumwe muchikamu chevechidiki mubato iri, VaPeter Matangi vati zvaitwa neZEC zvinopa bato ravo mukana wekunyoresa vese vanoda kuvhota kuti vakunde mumusarudo dzegore rino.
Mukuru anoona zvesarudzo musangano Electoral Resource Centre, VaSolomon Bhobhosibunu, zviri kuitika zvinoratidza chirongwa cheZEC ichi chakaitwa zvekumhanya mhanya pasina kutaurira nevemapato ezvematongerwo enyika nevamwe vane chekuita nesarudzo munyika.
Asi vati ZEC ine mukana wekugadzirisa zveser zviri kunetsa pari zvino kuti chirongwa ichi chienderera mberi pasina zvichemo.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZEC chikamu chekuburitswa kwemashoko chesangano iri chati vatauriri vekomisheni iyi vese vari vatatu vanoti sachigaro Justice Priscilla Chigumba mutevedzeri wavo, Rodney Kiwa pamwe nemukuru anoona nezvesarudzo mukomishini kana kuti Chief Elections Officer, VaUtoille Silaigwana vange vasipo.
Facebook Forum