Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vanoti Zimbabwe vanoti vanotambira zvakataura nemutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi zvekuti zvizvarwa zvenyika mbiri idzi zvishandise zvitupa kwete magwaro ekufambisa ana kuti mapassports.
VaMugejo vati havo bazi ravo harisati rasumwa zviri pamutemo nehurumende yeBotswana nezveyaya iyi.
Asi vati zvinoenderana nedonzvo resadc rekubvisa zvimhingamupinyi pakushanyirana. VaMasisi vanoti vachaita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezvenyaya iyi.
VaMasisi vakataura mashoko aya nemusi weMugovera pamabiko ekupemberera kukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzemudunhu reBoteti West muna2019.
Vachitaura nevatsigiri vebato ravo, VaMasisi vakati vachatora mukana wekuparura hurongwa hwekuti Botswana nenyika dzakaipoteredza dzisainirane zvibvumirano zvekushandiswa kwezvitupa mukufamba pavachasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa mumwedzi mishona inotevera muguta reHarare kana kuti reVictoria Falls.
Studio 7 yayedza kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kana mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba asi vose vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
VaMasisi vakaenderera mberi vachiti hurongwa uhu hungasimudzira nyaya dzekutenga nekutengeserana mudunhu reSADC.
Hurongwa hwekubvisa kushandiswa kwemagwaro ekufambisa kana kuti mapassports hwakaitwawo pakati peBotswana neNamibia.
Sachigaro werimwe remasangano anorwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mudunhu reSADC reZimbabwe Immigration Federation, VaLuke Mufaro Dzviti vaudza Studio7 parunhare vari muJohannesburg, South Africa kuti vari kushanda nemasangano akasiyana siyana kutsvaga nzira dzekuti pasave nemiganhu panyika dzekuchamhembe kweAfrica.
Izvi zvatsinhirwa naVaVaLazarus Sauti, avo vanodzidzisa zvidzidzo zvekuburitswa kwemashoko paChristian College of Southern Africa kana kuti CCOSA.
Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaTendai Makaripe vanoti nyika dzemuAfrica dzinokwanisawo kudzidza kubva kunyika dziri mugungano reEuropean Union dzine hurongwa hwekushandisa zvitupa pakushanya uye
Asi vachipawo maonero avo, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaTendai Mbofana vati kusaita muonera pamwe chuma chemuzukuru kwemubatanidzwa wenyika dziri mugungano reAfrican Union kunopa kuti zvinetse.
Muna 2016, African Union yakamboti yaida kuti panosvika gore ra2020 pange pave neAfrican Union passport asi hurongwa uhu huri kutora nguva kuzadzikisa.
Passport iri rikange ravepo rinotarisirwa kuti ripe munhu mukana wekushanyira nyika zana nneimwe chete dzemuAfrica pasina zvimhingamupinyi zvemavhiza. Nyaya yegwaro rekufambisa iyi iri muchisungo chinozivikanwa nekuti Agenda 2063.
Facebook Forum