Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Nyika Inovakwa Nevene Vayo Asi Vechidiki Vachiti Vari Kuda Kuenda Kunze Sezvo Nhamo Yapfunya Chisero muNyika


Vechidiki vakawanda munyika vari kubuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika vachiti vari kuita izvi nepamusana pekuoma kwakaita zvinhu munyika. Izvi zviri kuitika zvisinei nekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogara vachiti nyika inovakwa nevene vayo.

Kunyangwe mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachigara vachiti nyika inovakwa nevene vayo, zviri kuitika munyika zviri kuburitsa pachena kuti vechidiki vakawanda vari kubuda vachinotsvaga mafuro manyoro kudzimwe nyika.

Mumwe murume wechidiki, Va Willard Mtoti, avo vanogara kuMateta munzvimbo yeGokwe, vanoti nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu muZimbabwe, vakawana mukana uri nani kunze kwenyika, havambozenguriri kuenda.

Vanoti, “Tikatarisa mararamiro atiri kuita izvozvi, munyika medu hamuna mari inotishandira zvakanaka-naka, inoita kuti mhuri dzedu dzirarame.” Vaenderera mberi vachiti, “Mabasa chaiwo hamuna, asi kune vanawo, unogona kuita mwedzi mitatu kana mina usina kubhadharwa.”

Pfungwa dzina VaMtoti dzinotsigirwa naMuzvare Rumbidzai Matonga, avo vanogara muharare asi vachibva kuBulawayo. Muzvare Matonga vanoti mikana yekuzvipundutsa muZimbabwe mishoma kune vechidiki. “Ini ndikapiwa mukana ndinotobva ndaenda nekuti zvemuZimbabwe zviri kutonetsa,” Vanodaro Muzvare Matonga

Asi mumwewo mudzimai wechidiki anogara kwaMurombedzi, mudunhu reMashonaland West, Muzvare Mary Gombwe, vanoti havana tarisiro yekubuda muZimbabwe, nokuti mune mikana yakawanda inogona kusimudzira vechidiki.

Vati, “Ini chero ndikawana mukana kunze kwenyika handiendi nekuti ndinoona muine mikana yekuita mari muno, yakafanana nekurima, kana kuvhura bhizimusi rako muno, zvinogona kuita kuti urarame zvakanaka muZimbabwe.”

Mumwewo wechidiki ave nemakore mana achishanda nekugara kuSouth Africa, Bhekimpilo Ncube, anoti chido chekudzoka kumusha chiripo, asi ndangariro dzekuti kana adzoka anozoitei, sezvo mabasa ari mashoma, ndidzo dzinoita kuti angogara kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG