Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti haana hurongwa hwekumisa kana kuvhiringa mitambo yevaimbi achiti kuvhiringwa kwemutambo waWinky D kuChitungwiza musi wa3 mwedzi uno kwainge kusina kutarisirwa uye kwakaitika apo veruzhinji vainge vapinda mumutambo uyu vakavhunduka mushure mekunge mapurisa aive nembwa apinda panzvimbo iyi achida kuona kuti hapana vanhu vaizoputa mbanje nezvimwe zvinodhaka here pamutambo uyu.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti ZRP ine chirongwa chekudzivirira vanhu kuti vasapute mbanje nezvimwe zvinodhaka uye pakasvika mapurisa paDamwview pairidza, Wallace Chirumiko uyo anozivikanwa nerekuti, Winky D, ndipo pakaita bararamhanywa izvo zvakazoita kuti mutambo uyu umiswe.
VaNyathi vaenderera mberi vachiti ZRP haina hurongwa hwekurambidza kana kumisa mitambo yevaimbi asi kuti inotoda kuti vaimbi vaibatsire kurwisa dambudziko rekushandisa zvinodhaka.
Asi mapurisa haana kugumira pakumisa mutambo waWinky D sezvo akaita zvimwechetezvo kune mumwe muimbi Braveman Chizvino uyo anozivikanwa nerekuti Baba Harare akarambidzwa kuenderera mberi nemutambo wake nemapurisa pasina zvikonzero.
Zviitiko zviviri izvi zviri kushorwa nevanhu vakawanda kusanganisira vezvematongerwo enyika, vatsigiri vemimhanzi pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.
Muimbi ane mukurumbira Thomas Mukanya Mapfumo anoti zvakaitika zvinoratidza kuti nyika iri kutongwa nedemo.
Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti vaviri ava vari, kushungurudzwa nekuda kwebasa ravo.
Vaenderera mberi vachiti kurambidza vaimbi kuita basa ravo kuno vakanganisa raramo yavo.
Mumwe mutsigiri waWinky D uyo ati anonzi Tanatswa ati akashunguridzika zvikuru nezvakaitika.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzayi Kadzere vanotiwo vaka katyamadzwa chose neezvakaitika nemusi weMugove vachiti Winky D aisafanira kukangwaniswa ari pabasa rake.
Winky D ati titaure namaneja wake, VaJonathan Banda, avo vasinawo kutaura zvakawanda vachiti vachiri kuongorora kuti chii chakaitika.
Baba Harare avo vakatonyora kuti vanomira naWinky D pandemutande ravo reTwitter vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuNational Arts Council pamwe negurukota rezvemitambo netsika Muzvare Kirsty Coventry, sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.
Vamwe vaive pamutambo uyu vanoti wakamiswa apo Winky D akada kuridza rumbo Ibotso urwo runoshorpodza huwori.
Rumbo urwu ruri padambarefu rake Eureka Eureka iro rakamutsa mutauro vamwe vatsigiri vebato reZanu PF vachiti harifaniri kuridzwa.
Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 bato ravo rarinei nezvinoitika kumitambo yevaimbi vakasiyana siyana.
Mapfumo ati kuchoropodza huwori hakusi kutora divi panyaya dzezvematongerwo enyik.
VaKadzere vaudza Studio 7 kuti vaimba vanofanira kuita basa ravo vakasununguka sezvo basa ravo risingabatwe nemutemo weMaintenance of Peace and Order Act uyo unoshandiswa pamapato ezvematongerwo enyika.
Facebook Forum