Kuna Pressmore Musundi, uyo anoita zvemutambo wekuchovha mabhasikoro ari muSouth Africa, kuberekwa akaremara tsoka dzake hakuna kumutadzisa kuzadzisa chido chake chekutamba nemabhasikoro.
Musundi, uyo akaberekerwa kwaGudo kuChiredzi North, akadzidza muzvikoro zvakasiyanasiyana kwakare kuChiredzi achizoenda kuSouth Africa muna 2009 ane makore gumi nemashanu mushure mekushaya kwababa vake muna 2004.
Asvika kuSouth Africa akazowana basa rekushanda payadhi asi achigara kure nekubasa, izvo zvakazoita kuti varungu vaashandira vamutengere bhasikoro rekufambisa.
Bhasikoro iroro rakazomupa mukana wekupinda mumakwikwi ekuchovha mabhasikoro sezvo akazosangana nevakuru vachimwe chikwata chekuchovha mabhasikoro vakazomutsvetera kuti apinde muchikwata chavo.
Akazoshandawo nezvikwata zvakati kuti uye apinda mumijaho inodarika zana kubva zvaakatanga kukwikwidza kusvika pari nhasi.
Pari zvino Musundi ari pahunyanzvi hwepakati nepakati, kana kuti semi-professional, uye inhengo yechikwata cheTeam Pyga Euro Steel Academy, panguva imwecheteyo achishanda semugadziri wemabhasikoro anenge afa.
Musundi anoti shuviro yake ndeyekuti akwanise kuwana rubatsiro rwekuti aende kunokwikwidza ari kuZimbabwe, achitanga nemakwikwi eZimbabwe National Mountain Bike and Road Championship, ayo achaitwa musi wa 15 na 16 Kubvumbi gore rino.
Asi ari kukumbirawo kune vanokwanisa kumubatsira kuti zviroto zvake zvekumirira Zimbabwe mumijaho yemabhasikoro zvibudirire kuitira kuti akwanise kukwikwidza ari kumusha, izvo zvinozomupa mukana wekukwikwidza akamirira nyika mumakundano eAll Africa Games achaitirwa kuGhana muna Nyamavhuvhu wegore rino.
Musundi anoti chinangwa chake ndechekuti akwanise kuunganidza mari inoita chiuru chemadhora ekuAmerica, kana kuti US$1000.00, kuitira kuti abudirire murwendo rwake rwekuZimbabwe muna Kubvumbi.
Vanoda kubatsira Pressmore vanokwanisa kumubata panhamba dzake dzenhare dzinoti +27 78 270 2330, kana patsambambozha inoti pressmoremusundi@gmail.com
Facebook Forum