Vanhu vazhinji munyika havasi kudya zvinovaka muviri izvo zvinonzi nenyanzvi zvinokanganisa hutano. Izvi zvabuda muongororo yaturwa nhasi neZimbabwe Statistical Agency (ZimStat).
Vachitura zvavakawana muongororo iyi, mumwe mushandi weZimstat , VaGrown Chirongwe vati ruzhinji rwevanhu munyika harusi kudya zvinovaka muviri uyewo zvine hutano.
World Health Organisation inoti munhu anofanirwa kudya zvine macalories ari pakati pezviuru zviviri (2000 calories )nezviuru zviviri zvine mazana mana (2400 calories) VaChirongwe vati ongororo yavo inoratidza kuti vanhu munyika havasi kudya chikafu chinesimba rinotarisirwa irwi.
Mumwe mugari wemuHarare Amai Lainah Kativhu vati zvekudya zviri kukurudzirwa izvi zvinodhura.
Asi Dr Henry Madzorera vaimbova gurukota rezvehutano vati kusadya zvinovaka muviri kune njodzi yekukanganisa hutano.
Vawedzerawo vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa matambudziko ari munyika kusanganisisra kushaikwa kwemabasa.
Ongororo yeZimstat iyi yaratidzawo kuti vanhu vakawanda munyika vari kudya nezvikafu zvakatsetsenurwa zvinonzi naVaMadzorera zvine njodzi.
Tsvakiridzo yeZimstat iyi inoratidzawo kuti kunyangwe zvazvo vanyu vachikurudzirwa neW.H.O kudya michero nemiriwo ine huremu hwemagiramu mazana mana pazuva, muZimbabwe muri kudyiwa makirogiramu makumi manomwe nemaviri chete.
Nyanzvi munezvevashandi, VaTapiwa Macheka vati mihoro yevashandi ndiyo inosunda vashandi kuti vadye zvisingavaki muviri.
Zimstat inotiwo zvinhu zvirikunyanyodyiwa munyika irape, covo nechomolia zviri kuchitevera shuga yerudzi rwebrown pamwe nemafuta ekubikisa .
Mukuru weZimstat VaTaguma Mahonde vati ndekekutanga sangano ravo richiita ongororo yakadai. Vati ongororo iyi yakaitwa vachishandisa zvakabuda muongororo yePoverty, Income, Consumption and Expenditure (PICES) yakaitwa muna 2017 . VaMahonde vatiwo ongororo iyi yakakosha munyika
Zimstat yakabatsirwa nesangano reCommon Market for Eastern and Southern Africa (Comesa) pamwe nesangano reStatistics Norway.
Facebook Forum