Accessibility links

Breaking News

Vana Gumi neVatatu Vakuvara Padhirika Chikoro kuKwekwe


Globe ne Phoenix Primary school
Globe ne Phoenix Primary school

Vana gumi nevatatu vari muchipatara paKwekwe General Hospital zvichitevera kudhirika kwaita imwe imba yekudzidzira pachikoro cheGlobe and Phoenix muguta reKwekwe mekare nhasi mangwanani. Izvi zvabva zvapa hurumende kuti ivhare chikoro ichi ichitsvaga kuri chii vahapa kuti chidhirikire mugomba.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vabvuma kuStudio kuti vange vanzwa nezvechiitiko ichi asi vati vange vasti vave nezvekutaura zvizere. Mutauriri webazi rezvedzidzi VaTaungana Ndoro vatiwo vachiri kuunganidza humbowo hwezvaitika vakati tizovabata.

Gurukota redunhu reMidlands VaLarry Mavhima vaudza Studio 7 parunhare kuti varwadziwa zvikuru nechiitiko ichi uye hurumende yatoti chikoro ichi chivharwe kuchiitwa ongororo izere yezvakonzeresa kundengendeka uku.

Nhengo yeZanu PF VaMaclean Nyamucherera vanove kanzura yeWard six munove mune chikoro cheGlobe and Phoenix vatsinhira izvi vakati mushure memusangano waitwa uyo wange uchisanganisira veboka reCivil Protection Unit, CPU, vadzidzi vachaendeswa kune zvimwe zvikoro.

Muzvare Judith Tobaiwa nhengo yebato reCCC vari mumiriri weKwekwe Central mudare reparamende vaudza Studio 7 kuti pave nenguva pachityirwa kudhirika kwemidhuri nezvimwe zvivakwa paGlobe and Phoenix nemuguta reKwekwe asi pasina matanho ari kutorwa ekugadzirisa izvi.

VaEmmanuel Moyo murwiri wekodzero dzevanhu variwo mugari wemuKwekwe. Vatsinhirawo kuti vanoona sekuti mapazi ehurumende ane chekuita nenyaya iyi ave nenguva akapeta maoko.

Taedza kubata mutauriri weEnvironmental Management Authority mudunhu reMidlands VaOswald Nldlovu asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Muguta reKwekwe mune nhoroondo yakakura yekucherwa kwegoridhe nezvikwata zvinoita izvi zvisiri pamutemo uye vamwe vanoti izvi zvine chekuita nezvematongerwo enyika mukati nekuti vanoita izvi vanonzi vanotsigirwa nevamwe vakuru vakuru muhurumende.

Pamusangano wepagore wakapetwa nezuro, kucherwa kwezvicherwa zvisiri pamutemo kunyanya goridhe, munzvimbo dzakasiyana-siyana, ndechimwe chezvinyunyuto zvikuru zvakataurwa nezvazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG