Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nhasi vapa mubairo kumakurukota nevashandi vehurumende vakaita basa zvinonwisa mvura muna 2022.
Mubairo wekutanga watorwa negurukota rezvekurima Doctor Anxious Masuka, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Frederick Shava vakatora mubairo wechipiri.
Munyori mubazi rezvekurima Doctor John Bhasera ndivo vakakunda kuvanyori vemapazi ehurumende kozotiwo mukuru wechikoro cheHarare Institute of Technology Engineer Quinton Kanhukamwe ndivo vatora mubairo wekutanga pavakuru vakuru vemakambani nezvikoro zvehurumende.
Vachipa mubairo kune vakakunda pamabiko aitwa kuState House, VaMnangagwa vati vashandi vehurumende vanofanira kushanda nesimba kubatsira veruzhinji.ko8
Vati zviri kuitwa nehurumende yavo zvekuongorora mashandire emakurukota, vanyori vemapazi ehurumende pamwe nevakuru vemakambani ayo kana kuti Perfomance Evaluation, kwakanangana nekuti vanhu vaite basa nemazvo uye pachavo vachaona kuti mushandi wese aita basa sezvinotarisirwa.
Vachitaura mushure mekupihwa mubairo; Doctor Bhasera vatenda vamwe vashandi vemubazi ravo pamwe hwaro hweVision 2030.
VaMasuka naVaBhasera vapihwa mibairo mushure mekunge komiti yakaongorora vashandi vehurumende iyo inosangansira munyori mumahofisi emutungamiriri wenyika, Doctorr Misheck Sibanda, sachigaro wePublic Service Commission pamwe numunyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga yaona kuti vakagona basa kupfurikidza zvavakange vatara kuti vachaita apo vakasaina zvisungo zvao kana kuti Perfomance Contracts gore rapfuura.
Pavakuru vemakambi zana nerimwe, makumi mana nematanhatu chete ndiwo vakakwanisa kuita basa sezvaitaririsirwa.
Makanzuru mazhinji ekumaruwa nemadhorobha anzi akatadza kuita basa nekudaro hapana awana mubayiro. Asi meya veHarare, VaJacob Mafume avo vapinda mumabiko anhasi vati vanoona sekuto komiti yakaita ongoro iyi yakaita zvematongerwo enyika.
Vati makunzuru anotodza kuita basa nekuti nguva zhinji haawani rutsigiro kubva kumapazi ehurumende mamwe akaonekwa muongoro kuti arikutadzawo kuita basa.
Asi sachigaro wesangano rinomirira vagari reZimbawe National Organisation of Residents Trusts VaShepard Chikomba vati havo makanzuru ari kutadza basa.
Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vati nyaya sekusaina maPefomance Contracts yakanaka chose asi vakati zvibvumirano izvi zvinofanira kuiswa pajekerere,
Vatiwo vakakunda vaikwanisa kungopihwa mibairo pasina mabiko makuru aitwa kuState House vachiti hazvina kunaka kupfachura mari veruzhinji vachitambura munyika. Vamwe vari kuti panofanira kuumba komiti yakazvimirira kuti ishande naVaMnangagwa kwete kuti zviitwe nehurumende sezvo nyoka huru isingazvirume.
Zvichakadai makurukota, vanyori vemapazi ehurumende, vakuru vemakambani ehurumende makosheni, nrmameya nhasi vasaina maPerformance Contracts egore rino.
Facebook Forum