Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zuva rekuwanikwa kwemvura re World Water Day, iro rakanangana nekupa dzidziso pamusoro pekukosha kwemvura yakachena nekuraswa kwetsvina zvakatsarukana.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, racherechedza zuva iri richikumbira hurumende kuti itore matanho anooneka mukuchimbidza kuendesa mberi kuwaniswa kwemvura yekunwa yakachena pamwe nekuraswa kwetsvina kuvanhu vakawanda nenharaunda dzakawanda.
Sangano iri rinoti kubva mugore ra 1993, zuva remusi wa22 Kurume rinocherechedzwa sezuva rekuwaniswa kwemvura pasi rose, reWorld Water Day, uye zuva iri rinopa mukana wekupa dzidziso pamwe nekukurudzira kutorwa kwematanho ekurwisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura yakachena.
Zuva reWorld Water Day, dzihurumende, vanoona nezvekudzikwa kwemitemo nevamwe vane chekuita nenyaya yemvura vanozvipira kutora matanho ekurwisana nedambudziko remvura pasi rose iro rakatarisana nevanhu vanodarika mabhiriyoni naviri vari kurarama vasina mukana wekuwana mvura yakachengetedzeka.
Dingindira regore rino rinoti "Accelerating the change to solve the water and sanitation crisis," zvichireva kuti kumhanyisa shanduko kugadzirisa matambudziko emvura yachekachena pamwe nekuraswa kwetsvina kwakarongeka.
Munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Gutettez vakurudzira kuti pave nekuzvipira pamwe nemari zvinokwana mukudzivirira dambudziko rekushaikwa kwemvura pasi rose, iro riri kukura.
Sangano re United Nations rinoti vanhu mabhiriyoni maviri havana mukana wekuwana mvura yakachena, uye dambudziko iri richatowedzera. Panosvika gore ra2030, huwandu hwekushandiswa kwemvura yakachena hunotarisirwa kudarika zvikamu makumi mana kubva muzana kana kuti 40 percent pasi rose.
Facebook Forum