Apo sarudzo dzegore rino dziri kuswedera pedyo, vechidiki vakawanda vanoti rwendo rwuno vari kusarudza vatungamiri vane hany’a neveruzhinji, kwete vanhu vanoda kuzvipfumisa panguva iyo veruzhinji vari kutambura.
Vechidiki vanoti vachabuda nehuwandu hwavo kuenda kunovhotera vanhu vavanofungidzira kuti vachavandudza hupenyu hwavo,pamwe nekuvabvisa mukutambura kwavari kuita.
Mumwe mudzimai wechidiki wemuHarare, uye ari nhengo yesangano revechidiki reZimbabwe Youth Arise, Muzvare Tatenda Makuvire vanoti, vachavhoterwa vanofanirwa kuzadzisa vimbiso yavanenge vaita pavanenge vachitsvaga mavhoti, kwete kuzoswera vonakidzwa nehutepfe-tepfe hwezvigaro, vachikangamwa matunhu avo. Muzvare Makuvire vati, Sevechidiki tinotarisira kuti vachasarudzwa ava vazokwanisa kumiririra vanhu, kwete kuzvimirira ivo nehomwe dzavo.”
Vaenderera mberi vachiti, “Chepiri ndechekuti vanofanira kudzika mitemo inoita kuti nyika ienderere mberi, kwete inoita kuti ivo varambe vari pamusoro. Ngavasakanganwa kuti vanhu vevanhu sezvo vakasarudzwa neruzhinji, saka vanofanira kuita gutsaruzhinji. chekupedzisira ndechekuti vanofanira kuzadzikisa zvavanenge vavimbisa vanhu panguva yekukumbira kusarudzwa, kwete kuita vimbiso yavasingazozadzisi.”
Mumwewo murume wechidiki, anobva kuZhomba, munzvimbo yeGokwe, VaSiya Ncube, vanoti rwendo rwuno, vechidiki havafaniri kuvhotera mbavha dzinoba mari yeveruzhinji kuti dzigutse matumbu adzo. VaNcube vatiwo, “Kuno kuGokwe tiri kuti hatichadi councillor asingazivi basa rake.”
Vanotiwo, “ Unonzwa kansela achiti ndikapinda pachigaro ndinoda kukugadzirirai migwagwa- ndipo paunoona kuti munhu haazivi basa rake ipapo. Kana toenda pamaMPs, hatidi zvindomundomu zvakataurwa naVharazipi- munhu anongoenda kuParliament ongonovata. Chimwe ndechekuti hatidi mbavha dzakafanana nemumwe MP wedu wekuno kuGokwe akabira varimi vedonje mari. Izvi zvinonyanya kuitika kubato reZanu PF asi hazvidzikisi mavhoti avo, hameno kuti sei. Kuna President hatichadi maGold Mafia. Tinoda vanhu vakachena, vane moyo yakachena, kwete vanotuta mari vachiendesa kumaArab, ivo vanhu vachitambura muno.”
Murume wechidiki anogara kuSouth Africa, VaBhekimpilo Ncube, vanoti vechidiki vanofanira kurangarira kuti makore awanda vachingogariswa paguyo sembwa, naizvozvo vanofanira kuvhotera shanduko. VaNcube vaudza Studio 7 kuti, “Vechidiki vanofanira kutarisa kuti makore awandisa tichingori panzvimbo imwechete, zvichireva kuti bato ranga richitonga makore ese aya ratadza kutipa shanduko yatiri kuda.” Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzemadzimai echidiki, richisandira mudunhu reMashonaland Central, reInstitute for Young Women Development, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti vechidiki vanofanira kuvhotera vanhu vachasimudzirawo hupenyu hwevasikana nemadzimai echidiki.
Muzvare Changachirere vanoti, “Muwongororo yatakaita gore radarika maererano nenyaya iyi, takaona kuti vechidiki varikuda kuvhotera vanhu vanovimbisa shanduko muhupenyu hwavo. Vakanyanya kusimudza nhau tanhatu dzinoti; kuwaniswa maSocial services akafanana nemigwagwa, mvura, zvipatara nezvimwe.”
Vaenderera mberi vachiti, “Chepiri, vanodawo kunzwika kana vachichemedzwa nezvinetso zvenyika ino, kwete kubva vambunyikidzwa vachinzi vataurirei. Chetatu, varikuda kuti huori hupere- matare edzimhosva aendese vanhu vanoita huori kumajeri. Chechina, madzimai echidiki ari kushorwa nekuda kwemiviri yavo, naizvozvo vanodawo chengetedzo kubva kumitemo chaiyo. Chimwe ndechekuti vanoshanda muCreative Industry vashande zvakanaka pasina kumbunyikidzwa, yatingati freedon of expression. Chekupedzisira ndechekuti vechidiki varikudawo vatungamiri vanoita kuti vakwanisewo kubatsiridza kumutsiridza hupfumi hwenyika, kwete kungoshandiswa.”
Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaElton Ziki, vanoti vechidiki vanofanira kuisa vhoti pamunhu wese anokwikwidza achiratidza kuti anoisa zvido zvenyika yake pamberi. VaZiki vanoti, Chekutanga ndechekuti vechidiki vanofanira kutarisa kuti munhu wavanosarudza anoda nyika yedu kusvika papi.”
Vaenderera mberi vachitiwo, “Chepiri, ngavatarise kuti munhu iyeye anonzwisisa here zvinofanira kunge zvichiitwa nemunhu ane chigaro chaari kuda kupinda pachiri.” Kozoti, vechidiki ngavarege kukanganiswa nemamwe mafungiro anobva kunze asiriwo, akafanana nezvirikuitika zve Al Jezeera izvi. Munhu wavanoda kusarudza anofanira kunge achibatikawo zvekare, zvakafanana nemutungamiri wenyika, anova anobatika nguva dzose uye asingadi kusiya nyangwe ani zvake mukupundutsa nyika yedu.”
Mumwewo wechidiki anowongorora zvematongerwo enyika, zvekare akambomirira Zimbabwe kuWorld Federation of United Nations Association, VaMcLeo Mapfumo, vanoti pakuvhota, vechidiki vasatarisa kuti munhu anobva kubato ripi, asi kuti ari kuvimbisei. VaMapfumo vatiwo, “Kana tichivhotera munhu hazvinei nekuti anobva kubato ripi; angave weCCC kana weZanu PF kana weMDC. Chakakosha ndechekuti ari kutaura zvinhu zvinobatika here zvine chekuita nenharaunda nehupenyu hwedu.”
Vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki muCitizens Coalition for Change, VaStephen Tshuma, vanoti nhongonya yenyaya iri pakuwaniswa kwevechidiki mabasa, zvimwe zvose zvinozotevera.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kune vechidiki muZanu PF zvavanoshuvira kubuda musarudzo dzichaitwa.
Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kuZimbabwe Electoral Commission kuti vangani vechidiki vakanyoresa kuvhota rwendo rwuno.
Vamwe vanomirira kodzero dzevechidiki vanoti kana vechidiki, avo vanosvika zvikamu makumi matanhatu nezviga zvinomwe kubva muzana, vakasabuda nehuwandu hwavo kunovhota, havana wekuchemera kana zvichabuda musarudzo zvisingaenderani nezvavari kutarisira.
Facebook Forum