Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voda Kurambidza Vamwe Vaongorori veSarudzo Asi VaChamisa Vachiti Panoda Vaperekedzi


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti mune remangwana hurumende yavo icharambidza dzimwe nyika dzekunze kuzoongorora sarudzo dzemuZimbabwe vachidzipomera mhosva yekuita zverusaruraganga.

Vachinyora mubepanhau reSunday Mail, VaMnangagwa vati Zimbabwe iri kuronga kukoka vanoikokawo pavanenge vachiita sarudzo. Vaenderera mberi vachiti nyika inoita sarudzo dzakanangana nekufadza zvizvarwa zvayo kwete kuda kuudzwa zvekuita nevekunze. Vatiwo pasi peUnited Nations nyika dzose dzakaenzana.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kana pasina chekuvanza hapana chakaipa kuti vanhu vose vauye kuzoongorora sarudzo. Vanotiwo iyo Zimbabwe mukuyedza kudyidzana nenyika dzakaita seAmerica, Britain nedzimnwe dziri mugungano reEU yakati yakazvipira kuita sarudzo dzakachena.

Mashoko aVaMnangagwa ari kuuya apo United Nations, hurumende yeAmerica uye vakakweretesa Zimbabwe mari vari kukuudzira kuti nyika iite sarudzo dzakachena kuti idzikamise hupfumi.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vaudzawo bepanhau reSunday Mail kuti sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakati pa26 Chikunguru na 26 Nyamavhuvhu. VaMnangagwa pamutemo ndivo vanotara zuva resarudzo.

Asi vachitaura neStudio 7, mutungamiri weCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vati sarudzo dzinongofanira kuitwa pachena vanhu vose vachikokwa kunhimbe vakasimbaradza kuti vanod akuti United Nations itungamire hurongwa hwacho muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG