Vanhu vakawanda muguta reHarare vanoti vari kuwana mashoko ari kutumirwa panharembozha dzavo achivakurudzira kuti vavhotere mutungamiri wenyika VaEmmerson Manngagwa musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna Chikunguru kana Nyamavhuvhu gore rino.
Mashoko ari kutambirwa nevanhu panharembozh dzavo anoti, “Ndichange ndichikuzivisai paWhatsApp Status yangu, zviri kuitwa nehurumende kuvaka nyika yedu” Anonzi ari kubva kuna VaMnangagwa.
Asi munyika hamuna hamo kuwirirana panyaya yekutsvaga rutsigiro kwemhando yakadai kunoitwawo muAmerica nedzimwe nyika dzakabudirira. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti musiyano nedzimwe nyika ndewekuti muZimbabwe vanopikisa havapihwe mukana wekuita izvi.
Mumwe mugari wemuHarare awana mashoko aya ndiVaTichaona Masiyambiri avo vati havasi kufa nezvaitika izvi.
Mashoko aya atsinhirwa nemumwe mugari wemuHarare zvakare VaDarlington Madzonga.
Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachirerekera havo kubato reZanu-PF VaGadzira Chirumanzu vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pane zviri kuitika.
Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato rinopikisa reMDC VaChengetai Guta vanoti zviri kuitwa izvi hazvisi pamutemo.
Izvi zvatsinhirwa nevakafanobata chigaro chemurongi wemabasa mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaAmos Chibaya.
Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vachinyora padandemutande ravo reTwitter vati zviri kuitwa kutyora mutemo weDATA Protection ACT Chapter 11, 22 unoti hazvitenderwe kushandisa nhamba dzemunhu nezvimwe kutumira mashoko akadai kana pasina kutenderanwa.
Asi vamwe vanoti mutemo hauna kunyatsojeka zvikuru kana pachitariswa nyaya dzekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo vanhu vachizvishambadza.
Aka hakasi kekutanga zvinhu zvakadai zvichiitika sezvo bato reZanu-PF rakambozviita zvakare pamberi pesarudzo dza2018 vamwe vakapomera Zimbabwe Electoral Commission mhosva yekupa bato iri nhamba dzenharembozha dzavo. Asi sachigaro weZEC Justice Priscilla Chigumba vakaramba kuti vainge vapa Zanu-PF nhamba idzi.
Facebook Forum