Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yogadzirira Kudzokorora Sarudzo Kwakakundwa VaZiyambi, Wadyajena neVamwe


Zanu PF
Zanu PF

Bato reZANU PF rinoti mangwana rinogona kuzivisa nezvezuva richadzokororwa sarudzo dzema Primary kumatunhu anonzi akatadza kuita sarudzo dzakachena musi wa 25 na 26 Kurume.

Nzvimbo idzi dzinosanganisira Gokwe Nembudziya, Insiza North neZvimba West, Churu ne Mbare mu Harare. VaJustice Mayor Wadyajena naVaZiyambi Ziyambi vanove nhengo dzeparamende dzeGokwe Nembudziya neZvimba West vainge vakundwa musarudzo.

Mumiriri weparamende weInsiza North, VaFarai Taruvinga, vachakwikwidzana nevaimbove komishina we ZEC, VaQubani Moyo.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZANU PF, VaTafadzwa Mugwadi vaikwikwidzawo musarudzo idzi kuBuhera West vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakagona basa nekuti kungori nematunhu mashanu chete ari kuita dzokororo idzi munyika yese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzemuZanu-PF hadziratidze hutongo hwejekerere sezvo paine vamwe vanonzi havafanire kudyiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG