Accessibility links

Breaking News

Vamwe kwaGutu Vopomera Zanu PF Mhosva yeKuvatumira paNharembozha Dzavo Mashoko eKutsvagira VaMnagagwa Rutsigiro


Vagari vanonzi vari kutambira mashoko anonzi ari kubva kuna VaMangagwa panharembozha dzavo.
Vagari vanonzi vari kutambira mashoko anonzi ari kubva kuna VaMangagwa panharembozha dzavo.

Vamwe vagari vemumaruwa ekwaGutu mudunhu reMasvingo, vari kupomera vechidiki vebato reZanu PF mhosva yekuvatyisidzira kuti vavhotere bato ravo musaradzo dzegore rino vachishandisa mashoko anonzi akabva kumutungamiriri webato ravo, VaEmmerson Munangagwa.

Mashoko aya, ayo ari kutumirwa kunharembozha dzevanhu paswina kuwirirana anonzi ari kukurudzira kuti vanhu vavavhotere . Vechidi ava vanonzi vari kuti vanhu vakasavavhotera vachazovateverera sezvo mukuru wavo ane nhamba dzenhare dzavo.

Vagari ava vanoti kutanga svondo rino vakatambira mashoko munhare dzavo anonzi ari kubva kumutungamiriri webato reZanu PF ari kukurudzira kuti vagari vapinde mumagungano epanharembozha eWhatsApp kuti vakurukure nyaya dzebudiriro.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaArchbold Madida.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaArchbold Madida.

Vamwe vakaita saMuzvare, Portia Muza, vekuChisheche, vanoti vechidiki veZanu PF vave kushandisa mashoko ari kutumirwa munharembozha kuvatyisidzira kuti vatsigire mutungamiri wavo pamwe nebato ravo vachiti vane nhamba dzemunhu wese nekudaro vanoramba vachavabata.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mugari wekwa Bhasera, VaMike Mudyanadzo, avo vati zviri kuitwa nevechidki izvi zviri kuita kuti vatye chero kuzondovhota.

Vamwe vanoti kushandiswa kwenharembozha dzavo kutumira mashoko aya kutyora kodzero dzavo sezvo vasina kuwirirana kuti dzishandiswe nenzira iyi.

VaWyclife Matindike, vanove mugari wemaMpandawana, vanoti zvinovarwadza kuti nharembozha yavo iri kushandiswa nebato reZanu PF iro ravasingatsigiri.

Mutauriri wevechidiki veZanu PF kuMasvingo, VaCharles Munganasa
Mutauriri wevechidiki veZanu PF kuMasvingo, VaCharles Munganasa

Asi mutauriri weboka revechidiki reZanu PF muMasvingo, VaCharles Munganasa, vanoti hapana humbowo hwekuti mashoko aya akabva kumutunagmiriri wavo VaMnangagwa, uye hapanawo humbowo hwekuti vechidiki vavo vari kutyisidzira vanhu.

VaMunganasa vanoti vechidiki vebato ravo havaiti zvekutyisidzira vanhu uye vakatotanga kutsvaga rutsigiro murunyararo.

Mutauriri weBato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC muMasvingo, VaDereck Charamba, vati vakatambirawo zvichemo kubva kuvatsigiri vavo kumaruwa vachiti bato rinotonga riri kutyora mitemo yesarudzo nekutumira mashoko aya panharembozha dzevanhu pasina kuwirirana.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira, VaArchbold Madida, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti sarudzo dzichaitwa dzinenge dzisiri pachena.

Vagari vekwaGutu vanobatana nevamwe vagari mumadhorobha akaita seHarare, Bulawayo, Masvingo nemamwe matunhu munyika vari kuti vari kugamuchira mashoko anonzi ari kubva kumutungamiri webato reZanu PF vari mutungamiriri wenyika, VaMnangagwa, apo sarudzo dzave kuswedera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG